– zviwanikwa zvezimbabwe –

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
– zviwanikwa zvezimbabwe – Tsere

Kwayedza

Shona: TSERE

Ndebele: Insele

English: Honey Badger

naJuliet Sharon Tom

TSERE imwe yezvisikwa zvinozivikanwa pasi rose nekusatya – mhuka iyi haitye zvekumhanya.

Mhuka iyi ine zvivindi zvakakomba, zvekare haitane kugumbuka. Nekuda kwekusazeza kana kutya, tsere inokwanisa kuparadza mikoko ine nyuchi ichidya huchi pamadiro.

Tsere ine ruvara rwutema muviri wose nepamusana papfumbu kana kuti pakachenuruka. Muviri wayo unogona kureba 90 kusvika 100cm, ichirema 8 kusvika 14kgs. Mikono inokura kudarika hadzi.

Mhuka iyi yakapamhamha pamusana payo, iine makumbo mapfupi nechimuswe chine zvimvere icho chinomiswa mudenga kana ichifamba.

Dzimba retsere rine nzara dzakapinza, dzekumakumbe emberi dzakati rebei kupinda dzeshure. Ganda racho rakaregerera, izvo zvinoita kuti ikwanise kupunyuka nyore kana yorwiswa nechikara.

Mhuka iyi yakasimba uye ine hukasha, zvinoita kuti izivikanwe nekurwisa mhuka huru seshumba, nyati, mapere kana vanhu.

Tsere dzinowanikwa kumatunhu akawanda eZimbabwe uye dzinorarama nekudya zvipuka zvinosanganisira mbeva nemakonzo, nyoka dzose hadzo, madzvinyu, shiri, michero yesango, huchi nemazana (vana venyuchi) nezvimwewo zvipuka.

Zita retsere pachuRungu rekuti honey badger rinobva pakuti chimhuka ichi chinopazira mumikoko yenyuchi chichinodya huchi nemazana acho pasina kana dambudziko.

Nekuda kwekuti tsere inouraya chero nyoka ipi zvayo – shato, mhungu, chiva, rovambira, nyamafingu nedzimwe – ndizvo zvinoita kuti vanhu vafunge kuti mhuka iyi haikuvadzwe nehuturu hwenyoka (venom).

Asi zvazvo, mhuka iyi ine ganda rakakora zvikuru izvo zvinoita kuti risarumike nyore. Ndokusaka tsere ichikwanisa kurwisana nenyoka, zvichiumburudzana kudzimara yaiuraya – yozoidya ichitanga nekumusoro.

Tsere dzinogara dzoga mumaguru adzinozvicherera, asi dzinozivikanwawo nekutora maguru anenge akacherwa nedzimwe mhuka.

Mhuka iyi inoita mawuta kwemwedzi mitanhatu kusvika paminomwe apo inobara handa dzinobvira paimwe kusvika kuina.

Tsere dzinogona kuve dambudziko kuvarimi vanopfuya huku nekuita zvehuchi sezvo dzichipazira muzvikwere kana mumikoko. Naizvozvo, murumi anokurudzirwa kunyatsovakira zvakasimba zvikwere nemikoko yake kuti mhuka idzi dzisamudzosere shure.

 

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Field Guide to the Larger Mammals of Africa – Chris and Tilde Stuart

The Safari Companion – A Guide to Watching African Mammals – Richard Estes

The Complete Guide of Southern African Mammals – Gus Mills and Lex Hes

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 

Share This:

Sponsored Links