– zviwanikwa zvezimbabwe –

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
– zviwanikwa zvezimbabwe –

Kwayedza

naJuliet Sharon Tom

Shona:  ROVAMBIRA, NZAYO, MUBOBOBO

Ndebele:             Ginyambila, mamba

English: Black Mamba

ROVAMBIRA inyoka inozivikanwa nemazita akawanda – vamwe vanoiti mubobobo, mhungu kana kuti nzayo.

Nyoka iyi inokwanisa kusimudza musoro nemutumbi wayo zvekusara yamira nemuswe.

Kunzi black mamba paChiRungu hazvireve kuti nyoka iyi inofanirwa kuva neruvara rwutema asi kuti zita iri rinobva pakuti ine mukanwa mutema makasviba kuti ndoo.

Panyoka dzine huturu (venom) hwakaipa muAfrica, rovambira ndiyo ine hwakaipisisa zvekuti kana munhu akasabatsirwa nekukasika kana achinge arumwa, anofa mukati memaminetsi 20 bedzi.

Nyoka iyi inomhanya zvikuru, uye inoreba zvekudarika mamita mana. Inokwanisa kurarama kwemakore gumi nerimwe.

Mhungu inogara muguru, mumhango dzemiti kana mumapako, mumatondo akapfita nemiti, muzvuru kana muzvikomo.

Rovambira inokandira mazai anosvika 12 kana kudarika muguru rinenge rakacherwa nemuchenje kana nemhuka apo anozochechenywa nzvenzvana (vana venyoka) mushure memazuva 80 kana 90.

Nyoka iyi inovhima masikati, manheru yodzokera kwainogara. Inodya tsindi (squirrels), mbeva nemakonzo, shiri kana vana vembira. Ikaruma chainoda kudya, inochimirira kuti chitange chafa nekuda kwehuturu hwayo. Haitsenge chainodya asi kuti inongochimedza chakadaro.

Kana ikagumburiswa, rovambira inosimudza musoro wayo nemutumbi apo inoshama ichiratidza mukanwa mayo makasviba kuti ndoo. Apa ndipo painokwanisa kuruma munhu pose-pose – kana kumeso chaiko.

Rovambira inokwanisa kukobora munhu kakawanda ichisiya huturu hwayo mumuviri wechayaruma.

Yangoita izvi bedzi, inobva yatiza kana kuhwanda.

Nyoka iyi ine chipo chekuzvidzivirira kubva kumuvengi, kana ikangoshita, munhu akadududza shure, haimurume.

Asi ikaruma munhu, huturu hwayo hunoda kukasika kurapwa sezvo akanonokerwa haapedze zuva ari mupenyu.

Zvisinei, rovambira inyoka inganzi inonyara sezvo ichiti kana ikasangana nemunhu, inoedza kutiza kana kuhwanda kunze kwekunge kana yashaiswa mukana ndipo painozozvidzivirira nekuruma.

Kana mukaona nyoka iyi iri mumba kana kuti pamusha, musamboedza kuibata asi kuti zivisai vebazi reZimparks vari pedyo nemi.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Source: Field Guide to Snakes and Other Reptiles of Southern Africa – Bill Branch

Snakes of Rhodesia – G Broadley

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links