Uncategorized

– zviwanikwa zvezimbabwe –

08 Nov, 2018 - 10:11 0 Views
– zviwanikwa zvezimbabwe – Bopamupani (Green mamba)

Kwayedza

naJuliet Sharon Tom

Shona:                  BOPAMUPANI

Ndebele:             Indlondlo

English: Green mamba

NYOKA inonzi bopamupani ine ruvara “rwegreen” zvekuti kana iri mumiti kana muhuswa hune ruvara urwu inonetsa kuona, izvo zvinoita kuti iverevedze nyore. Musoro wayo unotoredzera magadzirirwo akaitwa bhokisi rinoiswa chitunha chemunhu.

Iyi imwe yenyoka dzinomhanya zvikuru uye “inonyara” zvekuti ikahwanda haioneke zvekumhanya.

Nyoka iyi inowanzogara mumiti, ichiburuka kana yonwa mvura kana kuti ichizambira mushana.

Bopamupani inorarama nekudya tupuka tudiki sembeva nemakonzo, tsindi, shiri, miremwaremwa (bats) nemazai. Inozivikanwa zvakare nekudya marwaivhi nemadzvinyu.

Nyoka iyi ine chipo chekugona kuhwandira chainoda zvekuti inogona kumirira zvayo kuti chainodya chiswedere pedyo nayo, yozongochikobora chava padhuze.

Kana yakura, bopamupani inogona kureba zvekusvika 2m uye inokandira mazai angaite 14 ayo anochechenya mushure memazuva 70 kusvika 80. Vana venyoka vanonzi nzvenzvana.

Nyoka iyi inoita seine “nungo” dzekuruma, asi kana ichinge yashatiriswa, inokobora kakawanda. Huturu hwayo hwakashata asi hahusvike pane hwerovambira kana kuti mubobobo.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasatambire mumiti yakapfumvura sezvo muri imo munofarirwa nebopamupani. Nyoka hadzingozivikanwa nekurwisa vanhu kana pasina zvadzaitwa kunze kwekunge dzasvikirwa pedyo. Kurudziro ndeyekuti vanhu vangwarire kana vari panze.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Field Guide to Snakes and Other Reptiles of Southern Africa – Bill Branch

Snakes of Rhodesia – G Broadley

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links