Uncategorized

– zviwanikwa zvezimbabwe –

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
– zviwanikwa zvezimbabwe – Nyamafingu

Kwayedza

 

Juliet Sharon Tom

Shona:                  MHAKURE, MHUNGU, NYAMAFINGU

Ndebele:             Iloyi, Lume

English: Egyptian Cobra

IYI imwe yenyoka huru dzemuZimbabwe nemuAfrica uye inozivikanwa nekusimudza musoro yakafutisa huro kana ichinge yagumburiswa.

Kana ichinge isati yanyatsokura, mhakure kana kuti nyamafingu inenge yakatsvukuruka (yellowish) iine madenderedzwa matema. Asi kana yakura, nyoka iyi inoita ruvara ruvara rwutema asi rwakapfumburuka (greyish-brown) kudakara yanyatsova nhema. Dzimwe inoita nhema asi muviri wayo uine madenderedzwa akatsvukuruka (yellowish) manomwe kusvika kumapfumbamwe.

Musoro wenyoka iyi wakati pwasharara. Makoko epamusana anosvibirira asi epasi echipeny’erera.

Kana yanyatsokura, mhungu iri inoreba zvekusvika 2m.

Nyoka iyi ine huturu uhwo inoshandisa kukuvadza chayaruma sematatya, dzimwe nyoka sezviva (puff adders), nembeva nemakonzo. Inozovikanwazve nekupinda muzvikwere zvehuku, hangaiwa kana tsuro ichidya mazai, nhiyo kana nhowa (vana vetsuro).

Zvisinei nekutyisa kwayo, mhakure inotoita zvekuvhimwa nemajerenyenje (majenzi) ichiuraiwa nekudyiwa.

Nyoka iyi inofarira muzvuru nemunzvimbo dzine zvitombo nemasora kana pedyo nemvura. Inowanzofamba husiku asi inogona kuonekwa ichiyambira mushana pedyo nepainogara.

Mhungu inokandira mazai ari pakati pe20 kusvika 25 ayo anochechenya kwadarika mwedzi mitatu asi ambotanga ararirwa kwemazuva 48 kusvika 70.

Huturu hwenyoka iyi hunokuvadza kana kuuraya, izvo zvinowanzoitika muZimbabwe.

Nokuda kwekuti nguva yekurima yakwana, varimi vanokurudzirwa kungwarira nyoka idzi. Kana ikakanganiswa, nyamafingu inosimudza musoro asi inokasika kutizira mumwena kana mubako kunze kwekunge yashaiswa mukana apo inozokobora munhu pagumbo kana paruwoko.

Yakanyanya kuipa munguva dzemanheru apo dzinotsvaga makonzo nemazai mudzimba.

Chimwe chamungada kuziva ndechekuti mhakure inozivikanwa nekunyebera kufa, saka ngwarirai. Huturu hwenyoka iyi wakaipisisa zvekuti ikaruma kana nzou inofa mukati memaawa matatu.

Chimwezve, nyoka dzinowanda nguva ino yegore uye hadzinei nemabasa ehuroyi, asi kuti dzinosununguka nguva yemadziya.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Snakes of Rhodesia – G Broadley

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links