— Zviwanikwa zveZimbabwe —

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
— Zviwanikwa zveZimbabwe — Garwe

Kwayedza

garwe/ngwena (ingwenya/crocodile)
MUZIMBABWE mune mhando imwe chete yegarwe kana kuti ngwena, riya rinodaidzwa kuti Nile Crocodile. Garwe chisikwa chine ropa rakatonhora uye chinorarama zvakanaka pane mvura. Naizvozvo makarwe anogona kuwanikwa kwese kune mvura munyika.

Garwe rinorarama nekudya nyama (carnivores) uye rine hunyanzvi pakuhwandira kana rovhima.

Huwandu hwemakarwe panzvimbo hunofambirana nehuwandu hwemvura uye mamiriro ekunze. Garwe rinofarira kudziya kwekunze ndokusaka ari mashoma kunzvimbo dzinotonhoresa.

Makarwe anosangana mumvura uye anokandira mazai. Garwe rinokandirira mazai muvhu rejecha kumahombekombe kwedziva. Rinogona kukandira mazai anosvika 60 kamwe chete zvichienderana nezera raro. Garwe gadzi rinochengetedza mazai aro kuti asadyiwe nezvikara kusvikira achecheny’a.

Kana mazai achecheny’a, garwe rinotakura vana richivaendesa kumvura.

Zvisinei nekuwanda kwemazai anokandirwa, vazhinji vevana vegarwe havararame — maviri kana matatu bedzi ndiwo anopona zvekukura.

Garwe rinonyanyodya hove, zvisinei nekuti rinongobata chero charawana semhuka dzakaita sembizi, mombe, vana vemvuu, nungu, shiri kana mamwe makarwe. Huwandu hwechikafu chinodyiwa negarwe hunoenderana nekukura kwaro, asi vana varo vanodya tupukanana twemumvura sehove diki, matatya nezvimwe.

Zvichienderana nekukura, garwe rinotanga kutsvagawo chikafu chakawanda — naizvozvo rinovhima mhuka dzakurawo.

Garwe rinovhima mumvura kana kuti munzvimbo dziri pedyo nemadziva. Rinosiya muviri waro wose uri pasi pemvura zvishoma richimirira kubata charinodya, ndokunge mhuka kana munhu apinda mumvura, asi pamwe rinoita zvekukachikira chikafu kana chiri pedyo nedziva.

Mhuno, maziso nenzeve dzegarwe zviri nechepadenga pemusoro, izvo zvinoita kuti mumwe mutumbi waro ugare pasi pemvura. Garwe rinogona kugara pasi pemvura kwenguva inosvika maawa maviri risingafeme mweya wekunze.

Garwe rechirume guru rinoreba zviri pakati pemamita 3.5 kusvika 5 uye richirema kubva pa225 kgs kusvika 750 kgs asi gadzi iduku zvishoma. Garwe rinogona kurarama kwemakore 70 kusvika 100.

Hapana humboo hunoti nduru kana huropi hwegarwe muchetura unouraya munhu.

 

Kuti usabatwe negarwe:

1. Gara kure nedziva rine chikara ichi

2. Yeuka kuti garwe rinowanikwa chero pachidziva chemvura

3. Tiza kana ukaona garwe richikuinga — garwe harimhanyisi kana risiri mumvura

4. Usachere pane mazai egarwe, ngwena ine hasha pakuchengetedza mazai ayo

5. Usandotuhwinha mumadziva ausingazive

6. Usaraure wakamira mumvura

7. Usanyike mawoko kana makumbo mudziva

8. Kana muchigarochera mvura padziva, isai ruzhowa rwewaya mudziva kuitira kuzvidzivirira

9. Kana zvichibvira, usaende kurwizi uri woga

10. Usape magarwe chikafu kana kukanda chikafu chawasiya

11. Tambira kure nemakarwe, kunyanya panguva yawo yekusangana

12. Chenjerera zvinhu zvinenge zvitanda zviri pamusoro pemvura

13. Usasiye vana kana zvipfuyo pedyo nemadziva

14. Zvakakosha kuziva kuti madziva ose anogona kuva nengwena

◆ Zivisai veParks and Wildlife Management Authority vari pedyo nemi kana maona garwe.

Share This:

Sponsored Links