Zvizere maererano nechirwere cheTB

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Zvizere maererano nechirwere cheTB Mobile clinic inoshandiswa kuvheneka vanhu utachiona hweTB neHIV

Kwayedza

ZUVA reWorld Tuberculosis (TB) Day rinocherechedzwa musi wa24 Kurume nedonzvo rekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro petsekwende inosanganikwa nayo munyaya dzeutano, magariro evanhu nenyaya dzeupfimi zvichikonzerwa nedenda iri.

Zuva iri rinocherechedzwa zvichitevera kuziviswa kwakaitwa naDr Robert Koch mugore ra1882 kuti vaive vawana utachiona hunokonzera TB.

Mhemberero dzegore rino dzichaitwa pakiriniki yeChichi Clinic kuPlumtree, kuMatabeleland South pasi pedingindira rinoti, “Kuwedzerwa kwekurwiswa kweTB”.

Vanhu vanosvika 37 000 vanonzi vakabatira TB muZimbabwe muna2017.

Pavanhu 100 vane TB, 63 vavo vari vanonzi vane utachiona hweHIV. Zvakakosha nekudaro kuti vanhu vakagare vachivhenekwa HIV neTB nguva nenguva.

Unowana sei TB?

Pulmonary TB ndiyo yega mhando yeTB inokwanisa kutapurirwa kune mumwe munhu.

Kana munhu aine TB akakosora kana kuhetsura, utachiona hwacho hunokwanisa kufemwa nemumwe munhu.

Zvisinei, havazi vanhu vose vanotapurirwa TB vanozorwara nechirwere ichi. Pane mhando mbiri dzekutapurirwa TB dzinoti ‘Active’ ne’Inactive’.

Active TB:

Izvi zvinoreva TB inenge ichipararira nemuviri wose zvinoita kuti masoja anorwisa zvirwere atadze kudzivisa kurwara pamwe nezviratidzo zveTB.

Zvitaridzo zveTB zvinosanganisira zvinotevera:

. kukosora kwemasvondo anodarika matatu

. kunzwa kuneta kwakadarikidza.

. kupindwa nechando mumuviri.

. kudikitira munguva yehusiku

. kunzwa kusada kudya chikafu

. kudzikira kwehuremu hwemuviri.

  • zviratidzo zveactive extra-pulmonary TB kazhinji zvinosanganisira kuzvimba nekurwadziwa nenzvimbo dzemuviri dzinenge dzakazvimba.

Inactive TB:

Kana munhu aine Inactive kana kuti Latent TB, zvinoreva kuti muviri unenge wakwanisa kurwisa TB nekuikurira kuti isakonzerese hurwere.

Haina zviratidzo uye haikwanise kutapurirwa kune mumwe munhu.

Kune vamwe vanhu, mhando yeTB iyi inoramba yakadaro kweupenyu hwavo hwose asi kune vamwe inozosanduka kuita Active TB kana masoja anorwisa zvirwere mumuviri akazoshaya simba — semuenzaniso nekuda kweHIV.

Njodzi yekuramama neHIV:

Izvi zvinoreva kuti TB:

. inonetsa kuvheneka nekuona kuti iripo here

. inopararira nekukasika

. inogona kukanganisa utano hwemunhu kana ikarega kurapwa

.  inokwanisa kupararira kune dzimwe nhengo dzemuviri

. inogona kudzoka zvakare mushure mekumborapwa

. inonetsa kurapa kana muviri wako usingadaire mushonga zviri nyore.

Nzira inoshanda mukudzivirira TB kuvhenekwa worapwa kuitira kudzivirira kuitapurira kune vamwe.

Ndingavhekwe here TB?

Kune nzira dzakawanda dzinoshandiswa kuvhenekwa TB.

Kazhinji, TB inoonekwa kuburikidza nemuropa.

Zvisinei, inokwanisa kuonekwa zvakare kubva mumakararwa kana dzimwe mvura dzinoburitswa nemuviri.

Zvinokurudzirwa zvakare kuti munhu atorwe x-ray yemuchipfuva kuti zvionekwe kana TB isina kupararira kusvika kumapapu.

TB inorapwa sei?

Kurapa Active TB:

Active TB inokwanisa kurapwa kuburikidza nemushonga (antibiotics). Mushonga wePulmonary TB unowanzotorwa mazuva ose kwemwedzi mitanhatu. Kune vanenge vaine TB inenge yapararira kune dzimwe nhengo dzemuviri, kurapwa kwacho kunogona kutora nguva refu.

Chii chinoitika kana ndikasatora mishonga yangu yeTB sezvinotarisirwa?

Kana vanhu vane TB vakarega kutora mishonga yavo nemazvo kana kuregera kuinwa nguva yekuti vachiregera isati yakwana, TB iyi inopedzisira isisadaire mishonga.

Pakadai apa, zvishoma zvinokwanisa kuitwa sezvo mimwe mishonga yacho haina simba rakanyanya.

Unofanirwa kuongororwa zvakasimba paunenge uchirapwa kuti zvionekwe kana zviri kubatsira.

Zvakakosha kuti utore mishonga yako yeTB sezvinotarisirwa kuitira kudzivirira kuti isazorambe kudaira kumishonga.

Zvakakoshawo kuti uongororwe HIV kuitira kuti uzive paumire.

Kana uchinge uri HIV positive, unobva watanga kupihwa mushonga pakerepo kuitira kuderedza mukana wekubatira TB nezvimwe zvirwere zvinongonyuka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>