Zvizere pamusoro peMonkeypox (Mpox)

20 Aug, 2024 - 16:08 0 Views
Zvizere pamusoro peMonkeypox (Mpox) Monkeypox

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE yagadzirira kurwisa chirwere cheMonkeypox (Mpox) icho chakanyuka kune dzimwe nyika dziri muAfrica zvisinei nekuti munyika muno hachisati chavemo.

Nyaya dzechirwere ichi dzakanyanya kuDemocratic Republic of Congo (DRC) uye vanhu vari kubaiwa nhomba pamwe nekuNigeria.

Sangano reWorld Health Organisation rinopa chenjedzo maringe nechirwere ichi.

Muna2022, WHO yakazivisa kuti chirwere ichi chakanga chava munyika 39 zvikaita kuti kuitwe misangano yekutsvaga nzira dzekuchirwisa apo chakaonekwa chiri kuWest Africa neCongo, pakati pedzimwe nyika.

Chakatanga kumakore ekuma1960 asi chakwanisa kurwiswa kuburikidza nekubaiwa nhomba.

Hurumende, kuburikidza nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, inokurudzira kuti wose aita fungidziro yekuva nechirwere ichi aende kuchipatara kunovhenekwa senzira yekudzivirira kupararira kwacho.

Sangano reWHO rakazivisa kuti chirwere ichi chinoshungurudza veruzhinji pasi rose uye chinoda kutariswa neziso guru (Public Health Emergency of International Concern).

Monkeypox chii?

Chirwere ichi chinotapurirwana nyore nekusangana kunoita vanhu uye chichikurumidza kupararira (Viral Zoonatic Endemic).

Chinokonzerwa nehutachiona (virus).

Chinotapuriranwa nekusangana kunoita vanhu kana kupfekedzana mbatya nemunhu ane hutachiona uhu uye chinobatawo mhuka chichizoenda kuvanhu apo vanosangana nadzo.

Chirwere ichi chinodziviririka uye vanhu vazhinji vanenge vabatwa nacho vanopora kana varapwa asi kune vamwe vanogona kurwara zvakanyanya.

Chinonyanya kubata varume vanoshinha nevamwe varume asika, hazvigumiri ipapo, chinogona kubata munhu wose kunyangwe asingaiti izvi.

Unokwanisa kutapurirwa chirwere ichi kana ganda rako ragumhana neanacho, zvakadai sekukwazisana nemaoko.

Kutaura makatarisana, kuimba, kufema kana kupanana tsvodo ndezvimwe zvinobatsira mukutapuriranwa kwechirwere ichi kune veruzhinji.

Vanhu vanoita bonde nevakawanda vane mikana yekutapurirana chirwere ichi.

Zviratidzo zveMonkeypox

– Kuita mapundu kumeso, mutsoka, muviri wose nemunzvimbo dzakavandika.

– Kuita mapundu mukanwa, pahuro, mumaziso nekunzvimbo inorasa tsvina.

– Kupindwa nechando uchipisa muviri.

– Kurwadziwa nemhasuro uye musana.

– Kupera simba nekunetseka pakurasa mvura.

Chirwere ichi chinogona kutora masvondo anodarika mana chisati chapora uye mikana yekurasikirirwa neupenyu iri pa1 percent.

Kudzivirira Monkeypox

. Kuregedza kuenda panzvimbo dzinoungana veruzhinji.

. Kuregedza kukwazisana nemaoko.

. Kuderedza huwandu hwevanhu vaunoita navo bonde kunoderedzawo mikana yekutapurirwa.

. Geza maoko ako nesipo nemvura inochururuka mushure mekushanyira chimbuzi kana kukwazisa vanhu.

. Shandisa dziviriro yekondomu kana uine vadikani vakawanda.

. Kana uine zviratidzo zvechirwere ichi zviri pamusoro, tsvaga rubatsiro kuchipatara chiri padyo nekukasika upangwe mazano, kuvhenekwa nekurapwa.

. Kana waonekwa kuti une Monkeypox, regedza kusangana nevamwe vasina uye kana muchigara mumba mumwe chete, pihwa kamuri yemba yaunogara woga kudakara wapora asi uchizvichengetedza kuutano hwepfungwa nekurapwa mapundu iwayo kusvika apera.

. Regedza kugumana nemhuka, dzingava katsi kana imbwa dziri pamba, nekuti dzinoenderera mberi nekutapurira vamwe chirwere ichi kana dzikachitora kwauri.

. Munhu wese ane mukana wekutapurirwa chirwere ichi saka ibasa rako zvekare kuona kuti chadzivirirwa.

. Kubaiwa kwenhomba inodzivirira chirwere ichi kuvanhu vose munyika (Mass Drug Administration) ndiyo nzira huru yekuchirwisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey