Zvokuita kana kwaita mafashamu

09 Jan, 2020 - 22:01 0 Views
Zvokuita kana kwaita mafashamu

Kwayedza

Mafashamu asati atanga:

  • Garai makangwarira. Ongororai nzvimbo yamuri. Inzwai zvinobuda paWeather Report paterevhizheni kana pawairesi. Kana pakanzi munzvimbo yenyu muchaita mafashamu, endai munzvimbo dzakakwirira, musatyaire mumigwagwa ine mafashamu.

Panguva yemafashamu:

  • Endai munzvimbo dzakachengetedzwa. Musambozame henyu kufamba kana kutuhwina mumvura iri kuyerera. Dzokerai kwamabva kana kushandisa imwe nzira. Musatendere vana kutambira mumvura. Musaedze kunyurura anenge ayeredzwa. Kana motikari ikadzimira pakati pemvura, isiye ipapo. Zviite nekuchimbidza, zviponesei iwewe kwete zvinhu zvako.

Kana mafashamu apera:

  • Mirai kusvika maona kuti kwava kufambika nyore. Musaenda kunzvimbo kwaitika mafashamu. Kana chivakwa change chizere mvura, tarisai kuti makachengetedzeka here uye zvakanaka kuti musati mapindemo. Ongororai madziro, magonhi, mahwindo nedenga kuti hazvikuwondomokerei here. Rambidzai vana kutambira munzvimbo yaita mafashamu. – Susquenna Flood Forecast and Warning System.

Share This:

Sponsored Links