Kwayedza

‘70% yevarume vane gomarara’

VaTinashe Mugadza

Abel Ndooka

VARUME vari kukurudzirwa kuti vavhenekwe zvirwere zvegomarara zvichitevera ongororo inonzi yakaitwa nesangano reMen’s Clinic International zvikaonekwa kuti chikamu chevanhurume chinosvika 70 percent vari kubatwa negomarara redundiro (prostate cancer).

Vachitaura pamusangano wakarongwa nePadare/Enkudleni Men’s Forum on Gender muguta reHarare svondo rapera, VaTinashe Mugadza, vanove maneja kuMen’s Clinic International vanoti dzimba dzine chitsama dziri kuparara nechikonzero chekuti varume vanenge vabatwa nezvirwere zvegomarara zvakasiyana voshaya simba pabonde izvo zvinozotuma mamwe madzimai kuita gumbo mumba gumbo kunze.

Izvi, vanodaro VaMugadza, zvinounzawo matambudziko anosanganisira zvirwere zvepabonde.

“Mutsvakurudzo yatakaita, tichiongorora vanhurume vanouya vachida kubatsirwa, takaona kuti chikamu chavo chinosvika 70 percent vari kushungurudzwa nedenda regomarara redundiro pamwe nekushaya simba pabonde (erectile dysfunction),” vanodaro.

VaMugadza vanoenderera mberi vachiti, “Dzimba dzine chitsama dziri kuparara nekuda kwekuti “moto” wababa unogona wapera. Vanababa vari kukanganiswa nezvirwere zvakaita segomarara redundiro nekushaya simba pabonde uye izvi zvinoita kuti mudzimba muve nemhirizhonga pamwe nekukandirana nyoka mhenyu.

“Saka tinokurudzira varume kuti endai munoongororwa zvirwere izvi mubatsirike pachiri nenguva,” vanodaro VaMugadza.

Vanoti kune mishonga iriko inobatsira varume vanosangana nematambudziko akadai uye zvirwere izvi zvinorapika zvichipera.

“Kana dambudziko iri rapinda mumusha, musavhunduke, asi kuti chimbidzai kutsvaga rubatsiro. Munobatsirika zvakanaka zvichigadzirisika.”