Kwayedza

Abarira muchitoro pakati peguta

Mudzimai akabarira muchitoro akagara achirwadziwa nemimba

Liberty Dube

MUDZIMAI wekwaMutare akabara mwana mukomana mune chimwe chitoro chemuguta iri apo akange aenda kunotenga mbatya dzegadziriro yepamuviri paaive napo nemusi weChina.

Mhomho yevanhu vakaungana pachitoro ichi vachida kuona mudzimai uyu achibatsirwa nachiremba wemunzvimbo iyi uyo akange ashevedzwa kuti azomusunungutsa.

Vamwe vakabatsirawo mukusunungutsa vanosanganisira muridzi wechitoro ichi, Mai Nomsa Chiadzwa-Chave, nevamwe vaiona avo vakazodaidza hama dzemudzimai uyu.

Vanhu vachimhanyidzana kuda kuona mudzimai akabarira muchitoro nemwana wake

“Akapinda muchitoro achida kutenga zvimwe zvinhu zvinodiwa segadziriro yekuzobara mwana zvakadai sematauro, zveutano, nemagumbeze. Akaudza vanhu vaiva pedyo kuti akanga ave kusununguka tisati takurumidza kumubatsira.

“Takavhara magonhi tikadana chiremba uyo akakasika kuuya ndokubatsira mudzimai uyu kusununguka. Hama dzake dzakashevedzwa ndokubva vamutora,” vanodaro Mai Chiadzwa-Chave.