Kwayedza

Akadya mbanje aona mapurisa

Danisa Masuku

MURUME anogara kuEntumbane, kuBulawayo — wekumedza mbanje mushure mekunge aona mapurisa ayo aida kumusunga — akazodzirasa sezvo yakamudzipa zvekuita seachafenda.

Mbanje iyi — iyo yakanga yakamonerwa muzvibhora zviviri mumapepa — yakamudzipa zvikaita kuti akosore nekuhotsira zvekusara ongochururuka mate nedzihwa.

Nyangwe zvavo Gift Moyo (39) aikwanisa kubudirira kumedza mbanje iyi, zvinangwa zvake zvakaramba sezvo matikitivha matatu akapinda mumba make mushure mekunyeurirwa ndokuwana mbanje yainge iri pasi pemubhedha ine huremu hwe1,423kg.

“Vakamuona achitengesera mumwe munhu, mushure mekuvaona Moyo ndokubva amedza zvibhora zviviri zvembanje. Zvisinei, akabva adzipwa.

“Pakarepo, Moyo akabva adonha pasi ndokutanga kukosora nekuhotsira zvakanyanya,” anodaro mumwe wevakaona izvi zvichiitika.

Matikitivha aya akazoitsvaga-tsvaga mumba maMoyo mushure mekunge vamubatsira pakudzipwa kwaakanga aitwa.

“Vakasecha mumba make ndokuwana chiplastic chainge chakasungwa icho chaiva nembanje chakaiswa pasi pemetiresi pamubhedha,” anodaro.

Akapa nyaya iyi anoenderera mberi achiti mapurisa matatu aya akazoenda paMain Post Office apo vakanoyera huremu hwembanje iyi.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuBulawayo, Assistant Inspector Nomalanga Msebele, vakatsinhira nyaya iyi.

“Ndinotsinhira kuti takasunga murume wekuEntumbane uyo akawanikwa aine mbanje ine huremu hwe1,423kg,” vanodaro.