Kwayedza

Amai mune zvidhoma: Mwanakomana

Dare

Phillipa Mukome-Chinhoi

IMWE chembere yemuHarare inoti yashaiswa rugare nemwanakomana wayo pamwe nemuzukuru avo vari kuipumha huroyi mushure mekunge vatora zvinodhaka semutoriro.

Mbuya Jane Marume vakaudza dare reHarare Civil Court kuti vaviri ava vanovatuka nezvinyadzi.

“Ndiri kushaya rugare pamba pemuzukuru pandiri kugara nekuda kwekuti Naison Fenyenge anove mwana wangu naPride Motipi mwana wemubvana wangu, vanondituka vachiti ndiri muroyi uye ndine zvikwambo zvandinogara nazvo. Vanovhura muimba yandinogara vachitora chikafu changu, kutaura kuno handina kana chekudya nekuti vakangoziva kuti maita chikafu vanotora zvose,” vanodaro Mbuya Marume.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vakangobhema chete nekutora semutoriro vanondirarisa panze asi imba iyi haisi yavo, ndeye muzukuru wangu.”

Fenyenge naMotipi havana kuenda kudare.

Mutongi Tamara Chibindi vakapa Mbuya Marume gwaro redziviriro.