Kwayedza

Anofamba-famba mumba ari musvo

Dare

Audrey Kativhu

MUMWE murume, uyo anonzi anoita katsika kekurova mudzimai wake, ari kunzizve anofamba-famba mumba asina kupfeka vana vachimuonerera.

Tafirei Matinyanya akaratidza kuva nehukasha apo akabvunzwa nezvenyaya iyi uye ari kupomerwa zvekare mhosva yekusafurasha tsvina yake mushure mekushandisa chimbuzi.

Mudzimai wake, Tsitsi Matinyanya, akatokumbira gwaro redziviriro kudare redzimhosva achiti murume wake anomushungurudza, achimunyima mari pamwe nekumutukirira.

“Uyu murume wangu saka ndinoda kuti vedare mutibatsirewo mukusandura hunhu hwake nekuti ndaneta hangu nezvaanoita. Ane tsika yekufamba-famba mumba asina kupfeka vana varipo.

“Anogera ndebvu dzake ari muimba yekutandarira munova munorara vana achidzisiya dzirimo dzichisvibisa magumbeze avo,” anodaro Tsitsi.

Anoti murume wake haatengi chikafu chemhuri kana kubhadhara mari yevana yechikoro uye anotuka dzimwe hama dzake dzinomubatsira mukubhadharira vana mari yechikoro.

Achipawo divi rake, Tafirei anoti: “Ndakagera ndebvu dzangu muimba yekutandarira nekuti muimba yedu yekurara maive musina mwenje. Mudzimai uyu anonyepa kuti handifurashi chimbuzi uye kuti ndinofamba-famba mumba mune vana ndisina kusimira.

“Handina kumbotukana nehama dziri kubhadharira vana mari yechikoro, asi ndakangotaura mashoko ekuti kana pane chinoitika kumwanasikana wangu vachazvimiririra nokuti vakamutora vachinogara naye pasina kutenderana neni semubereki, vakatoshandisa chisimba.

“Chikonzero chaita kuti auye neni kudare inhau yekuti ndakaranga mumwe mwana wedu.”

Mutongi Sharon Mashavire vakapa Tsitsi gwaro redziviriro.