Kwayedza

Anyumwa bere nderake

naWedzerai Nhemachena
MUTSIKA nemagariro evatema, zvikuru VaShona vemuZimbabwe, bere rinotorwa “sebhiza” revaroyi vanofamba husiku mukuvhima kwavo. Nokuti bere rinozivikanwa sekuti rinoshandiswa nevaroyi, kana vanhu vakabvunza kuti bere iri nderani, hapana anobvuma kuti nderake, asi unoona nekusagadzikana mukugara kwemunhu kuti bere rinofanira kunge riri rake.

Bere rinozivikanwazve nokudya zvipfuwo zvevanhu. Nokudaro, rinozivikanwa maererano nezvinhu zvakaipa, zvinodzorera upenyu hwevanhu kumashure.

Kanawo, padare panotaurwa nyaya dzakawanda. Kana pakataurwa nyaya inobata mumwe aripo, unoona nekusagadzikana mukugara kwake kuti ari kuda kuti nyaya iyi isaenderere mberi nokuti anofunga kuti pachaita mumwe anorasa muromo akadoma zita rake paruzhinji.

Vanhu havadi kuti vazivikanwe zvavanoita muchivande, zvinovaita kuti vasagadzikane mukugara kwavo. Izvozvo pachazvo, zvinojekesa kuti ngana ane chekuita nezviri munyaya iri mudare.

Ko vanhu vangazive sei kuti munhu uyu anyumwa?

Kana munhu wapinzwa pakamanikana munyaya iri padare, unoita zvakawanda kuti uchenese zita rako kana dai pasina akunanga huroyi. Vanhu vari padare vanotokanuka kuti zvambodii kuti vamwe vose padare vakanyarara, asi manyumwa ave kuita zvinenge zvine hasha mukati panyaya yeruzhinji isina kudoma zita remunhu. Izvi ndezvimwe zvinoratidza kuti muzvinabere ndiani.

Zvimwewo zvinogona kuratidza kuti munhu anyumwa ndezvekuti munhu anogona kungorotomoka achiti, “handisini ndakadaro” asi iye asina kubvunzwa. Pakadai apa, ziya rinogona kudeuka kanapo kuchitonhora zuvaro.

Kana munhu anogona zvakare kupindwa nechando kana kuchipisa zvisina mukare akamboona. Vamwewo unongoona vave kutiza pane vamwe vakaona munhu akazvibatira demo kana tsimbo yake.

Asi kune vamwe vanozoda kutsvaga vadare kunze kwedare kuti “paya manga muchida kuti chii chaizvo? Manga muchida kundinyadzisa here? Vanhu vose vanga vave kunditarisa ndikashaya pekupinda.”

Vamwewo vanokutyisidzira kuti usataure zvaunoziva. Hanzi “haunei nazvo, ko ndiwe wandakaitira here?”  kana “Zvinhu zveruzhinji hazvina muridzi?” Vamwewo ndivo vanokunyima zvaunokodzera kuwana vachida kukupfidzisa kuti uri kufumura gure. Uku kurwisa vadare kuti vanyarare, vasati bufu mukudzora vamanyumwa ava.

CHENJEDZO:
Ngatiedze kugara upenyu hwakachena mumisha yedu, mudunhu pamwe nemunyika yedu tichitevedzera mitemo kuti tisagare tichirohwa nehana patinoona mupurisa kana vanhu vanozvifambira zvavo, kana vatakatadzira ivo vasingazive kuti ndisu takaita izvi. Hana inowanzorova kana munhu aine mhosva yaakapara. Zvino akanzwa vanhu vachitaura nezvenyaya dzavo dzakarerekera kune mhosva yaakapara, anobva anyumwa nekusagadzikana mukugara kwake pose pataurwa nyaya nevanhu dzinenge dzobata zvaakaita kana dai vasingareve iye. Zvino kuzeza chati kwatara hunge une katurike.

 Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.