Kwayedza

Apondwa achibva kunoona bhora

Inspector Emmanuel Mahoko

Kingstone Mapupu

MUKOMANA ane makore 19 okuberekwa wekumaruwa eGweru anonzi akapondwa husiku achibva kunoona bhora uye mumwe wake akakuvadzwa nekubaiwa nemapanga apo vaifamba vachidzokera kumba panzvimbo yemabhizimisi yeko.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa27 Chivabvu nenguva dza7 husiku apo Fana Ntini (19) akabaiwa nebanga akafa aina Emmanuel Phiri (33) naJefta Mkwananzi (22) vachifamba vachienda kumba mushure mekupedza kuona bhora panzvimbo yemabhizimisi yeMatambo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti vatatu ava vakasangana nevamwe varume vaviri vaipesana navo ndokubva vatanga kuvarwisa.

“Pakupesana apa, mumwe murume anonzi Darlington Tshuma (29) anonzi akaburitsa banga kubva mubhurugwa rake achibva abaya Jefta Mkwananzi kamwe chete pachidya chekurudyi nekuda kwenyaya dzavakambonetsana kare. Fana Ntini naEmmanuel Phiri vakatiza apo vaviri ava vakazoramba vachidzinganisa Fana Ntini kusvikira vamubata ndokumubaya kamwe chete padumbu nebanga achibva apunzikira pasi,” vanodaro Insp Mahoko.

Tshuma nemumwe wake vanonzi vakabva vatiza panzvimbo iyi vachisiya Ntini akarara pasi.

Zvinonzi nemusi wa28 Chivabvu nenguva dza8 mangwanani, vagari vemumusha uyu vakatanga kutsvaga Ntini ndokuzoona mutumbi wake uri mumugwagwa uyu.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa eGweru Rural, Darlington Tshuma achibva asungwa uye banga rinofungidzirwa kuti ndiro rakashandiswa pakuuraya nekukuvadza rerudzi rweColombia knife, mamwe mapanga maviri ekuzvigadzirira nerekeni zvakawanikwa izvo zvakachengetwa nemapurisa seumbowo munyaya iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Mutumbi waNtini wakazoendeswa kumochari yechipatara cheGweru Provincial Hospital uko Mkwananzi ari kurapwa zvekare.

“Tinotenda veruzhinji nekubatsira mukusungwa kwaDarling Tshuma uyewo tinokumbira kune vanoziva kuna Moses Moyo (31) wekuSpringvale, uyo ari kutsvagwa nemapurisa nekuda kwenyaya imwe chete iyi, kuti vaendese mashoko avo pakamba iri padyo navo,” vanodaro Insp Mahoko.