Kwayedza

Apotsa adzura mudzimai wake chibereko nehasha

Yeukai Karengezeka

MURUME anogara kuChitungwiza anonzi akaedza kupinza mawoko ake musikarudzi yemudzimai wake nechinangwa chekumubvisa chibereko senzira yekumupfidzisa.

Takemore Musungati (23) ari kutongwa nemhosva yekuedza kuponda uye akatomiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, VaClever Tsikwa.

Ari kutongwa achibva mutirongo.

Muchuchisi Trinity Nyandebvu audza dare kuti Musungati akanetsana nemudzimai wake, Webby Musarurwa (30).
Musungati anonzi akarova mudzimai wake nezvibhakera muviri wese achibva apinza mawoko ake nechisimba musikarudzi yake achida kuzvuva chibereko achibva atodimbura dzimwe nyama dzemukati.

Mudzimai uyu akakuvara zvikuru asi murume wake anonzi akabva amukiira mumba kwemazuva maviri kuti asaende kuchipatara.

Nomusi wa7 Gunyana kuma9 mangwanani, mapurisa akaziviswa nezvenyaya iyi nevavakidzani mushure mekuona kuwanda kwenhunzi mumba zvikaita kuti asungwe.

Musarurwa akakuvara zvikuru muchibereko uye ari kurapwa kuChitungwiza Central Hospital.