Kwayedza

Arambira mukadzi humhandara

Dare

Lovemore Kadzura

MUKADZI wekwaRusape, uyo akarambwa nemurume wake mushure mekunge aona kuti haasi mhandara, ari kubuda pachena kuti murume waamai vake ndiye akamubvisa humhandara apo akamubata chibharo makore mapfumbamwe apfuura.

Philimon Pepukai (33) wekuEdendale A kwaMadhubure, kuHeadlands akamiswa mudare reRusape Magistrate Court achipomerwa mhosva yechibharo.

Anonzi akapara mhosva iyi muna2013.

Mukadzi uyu, uyo ave nemakore 20 okuberekwa, aive nemakore gumi nerimwe apo Pepukai anonzi akamubata chibharo.

Akamhan’ara kumapurisa mwedzi wapera mushure mekunge murume wake aona kuti akanga asiri mhandara ndokubva amuramba pakarepo.

Pepukai, uyo asina kumiririrwa negweta, akamiswa mudare neMuvhuro ndokubvisiswa mari yebhera inokwana $10 000 nemutongi VaFrancis Mapfumo.

Haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi.

Muchuchisi VaMarlon Makamba vanoti Pepukai anonzi akashungurudza mwana ane makore gumi nerimwe okuberekwa apo amai vake vakange vasipo mugore ra2013.

“Nezuva risingazivikanwe, asi muna2013, Pepukai akasiiwa achichengeta vana nemudzimai wake (amai vemwana wekubatwa chibharo). Mai vacho vaive vaenda kuBingaguru.

“Vapedza kudya kwemanheru, Pepukai nemumhan’ari vakabva vaenda kunorara muimba yekubikira imwe chete semazuva ose. Pepukai anonzi akabata chibharo mwana uyu apo aive akarara.

“Nyaya iyi yakazobuda pachena musi wa30 Gumiguru 2022 mushure mekunge mumhan’ari arambwa nemurume wake nenyaya yehumhandara. Akazivisa amai vake zvakanga zvaitika zvikaita kuti Pepukai asungwe,” vanodaro.