Kwayedza

Baba nevana vorwira zvikwambo

Sekuru Musiyarira

Tendai Gutikwa ari kwaMUTARE

VANASIKANA 4 vari kunetsana zvakanyanya nababa vavo vane makore 92 okuberekwa avo vavari kupomera kuti vanochengeta nyoka pamusha wavo uri kwaZimunya, kwaMutare idzo dzavanoti dziri kushinha navo pamadiro uye dziri kukonzera rufu mumhuri yavo.

Vana vemhuri yekwaMusiyarira vanoti baba vavo vane zvikwambo zvemhando yenyoka izvo zviri kuparadza wanano dzavo.

Pamusoro pezvo, vanoti mumba yababa vavo, Sekuru Denford Musiyarira, mune pfumo nehari izere neropa.

Caroline, Sandra, Portia naTheodora Musiyarira nguva pfupi yadarika vakaenda pamusha pevabereki vavo kwaZimunya vachida kuti vagadzirise nyaya iyi ndokuita mhirizhonga.

Muzukuru waSekuru Musiyarira, Netsai, anonzi aivepowo pakaitika izvi.

Sekuru Musiyarira nemudzimai wavo, Mbuya Tambudzai Musiyarira, vakatozozvivharira mumba pakasvika vanasikana vavo nemuzukuru pamusha vachiita bongozozo.

Caroline

Zvisinei, Sekuru Musiyarira vari kuramba zvose zvavari kupomerwa nevanasikana vavo.

Vanasikana ava vanoti vane tsamba yakanyorwa nababa vavo mugore 2003 vari pamba peimwe n’anga apo vanonzi vakateketera vachikumbirira vana vavo vose minyama isingapere.

Tsamba iyi, iyo ine Kwayedza, inoti: “Caroline, Togara, Sandra, Dettolen, Portia, Moddie Makosi, kurambana newarume wavo, kurambana nemukadzi wake, kuputsika kwemusha wavo, wese wagare wachishupika, wari pamabasa ngavabude iko zvino.”

Tsamba iyi inonzi yakatorwa muguru repachuru panguva iyo pakanyorwa zita raTogara naDettolen painge padyiwa nemuchenje.

Vaviri ava vakatofa.

Portia

“Izvi zvinoreva kuti ndivo vari kukonzera rufu mumhuri. Kudai pasina kuti takazoziva nezvetsamba iyi, tingadai tose takapera kufa nekuti apo mujuru umomunya pakanyorwa zita remunhu, munhu iyeye anobva afa.

“Pakutanga, baba vakabvuma zvose izvi mushure mekunge tsamba iyi yaburitswa nen’anga yavo asi iye zvino vave kutanga kusanduka-sanduka. Baba vangu vane mwoyo wehutsinye zvikuru. Kubva muna2001, tarasikirwa nevamwe vemumba medu pamwe nedzimwe hama, vanhu vaviri vanofa pagore roga-roga,” anodaro Theodora anove mwanasikana mudiki waSekuru Musiyarira.

Nyaya iyi yasvika padanho rekuti baba ava nevanasikana vavo vaendesane kumatare edzimhosva apo Sekuru Musiyarira vari kuda gwaro redziviriro.

Nerimwewo divi, Netsai anoti anorota achishinha nenyoka.

“Dzimwe nguva kana ndakarara nemudiwa wangu, ndinorota nyoka ichiuya pakati pedu. Mushure mezvo, mudiwa wangu anobva aramba kumbundirana neni,” anodaro Netsai.

Anoti kusvika pari zvino atizira kuvarume vanokwana vana asi hapana akamboita shungu dzekumuroora uye izvi ari kupomera kuti zviri kukonzereswa nezvikwambo zvasekuru vake.

Theodora anoti nguva nenguva anongoona nyoka dzichitenderera pamba pevabereki vake.

Theodora

Anoti munaKukadzi gore rino, pane nyoka yakavanetsa pamba apa.

“Kwapera masvondo maviri, ndakazoona nyoka iya iri pasi pemubhedha wangu. Hazvaiita kuti ndirambe ndichishandisa kamuri yemba iyoyo. Izvi zvakaitika mushure mekunge ndadzoka kumba apo wanano yangu yainge yaparara.

“Ndaishinha nenyoka saka ndizvo zvakakonzera kuti wanano yangu iparare,” anodaro.

Theodora anoti katsi dzepamba pevabereki vake dzinodya sadza nenyama asi ivo vachidya nemuriwo.

Zvisinei, Sekuru Musiyarira vari kuramba zvose zvavari kupomerwa nevanasikana vavo pamwe chete nemuzukuru.

“Handiterere zvisina maturo, havazive zvavanoita. Vakandirova uye ndakavamhan’arira kumapurisa, kunyanya Theodora, ndiye mutungamiriri wavo.

“Handikwanise kutaura newe (kureva munyori uno) nekuti zvinozokanganisa kuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi nemapurisa. Aka ndekechipiri Theodora achindirova.

“Ane imwe nyaya iri kumatare edzimhosva. Iniwo ndine nyaya zvakare naye kumatare. Ndichakuudza musi unopinda nyaya idzi mudare kana mwanakomana wangu adzoka kubva kunopihwa mazano nemagweta edu pamusoro penyaya iyi.”