Kwayedza

Bhinzi: Kudya kwemhuri

BHINZI kudya kune utano uye dziri nyore kubika sezvo dzisina zvakawanda zvinodiwa pakudzibika. Svondo rino Alice Mutana wekuGlen View 3, muHarare, anotsanangura mabikirwo ebhinzi zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:

Bhinzi dzakaomeswa, chikari, munyu, mafuta, garlic nematomatisi.

Mabikiro:

Rara wakanyika bhinzi mumvura kuti dzipfave dzisazoshandisa magetsi kana huni dzakawanda paunozodzibika.

Nyurura bhinzi wodzigeza nemvura yakachena.

Fashaidza bhinzi muchikari uchiramba uchidira mvura kusvika dzaibva.

Kanga hanyanisi padivi nemafuta mashoma.

Chekerera garlic nematomatisi, isa munyu wakafanira wosanganisa kuti zvigadzire muto wakanaka.

Usaise godzamuto nekuti bhinzi dzinogadzira muto wadzo dzega wakakora.

Siya zvishinyire kwemaminitsi mashanu wozosanganisa nebhinzi dziya.

Kana ukaona dzave kuita muto wakakora uye wakatsvukira, dzinenge dzaibva zvakanaka chaizvo.

Wozodii?

Chipakura unakirwe nemhuri. Bhinzi dzinogona kudyiwa nesadza, mupunga kana nechingwa.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281.