Kwayedza

‘Boka akaparura kurimwa kwefodya nevatema’

NHOROWONDO yebudiriro yekurimwa kwefodya nevanhu vatema muZimbabwe haikwanise kutaurwa pasina zita remushakabvu VaRodger Boka avo vakarwisa zvikuru kuti vanhu vatema vabvumidzwe kurima pamwe nekutengesa chirimwa ichi vakasununguka izvo kare zvaiitwa nevachena chete.

VaBoka ndivo zvakare vakazove munhu mutema wekutanga munyika ino kuve nekambani inotengeserwa fodya yeBoka Tobacco Auction Floors. Mambo Musarurwa, VaEnos Musarurwa, avo vanova sachigaro wemadzishe kudunhu reMashonaland East, vanoti mikana yose yezvakanaka pakurimwa kwefodya yaiva yevachena chete apo nyika yakanga isati yasununguka.

“Tine zvinhu zvakawanda zvatakawana kuburikidza nerusununguko rwenyika izvo zvaiitwa nevachena chete. Semuenzaniso, kudzoserwa kweupfumi kuvatema hatikwanise kukutaura kana tisina kutaura zita remuchakabvu Rodger Boka uyo akarwisa kuti vanhu vatema vakwanise kunge vachirima fodya zvine pundutso,” vakadaro. “Munyika muno maingova nemisika miviri chete yemakambani evachena ayo aitenga fodya asi murume uyu (VaBoka) akaparura chirongwa chemusika wemunhu mutema uyo tinodada nawo nhasi,” vakadaro apo vaitaura vari kumusika weBoka Tobacco Auction Floors svondo rapera.

Chamangwiza wekambani yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) Dr Andrew Matibiri vakatsinhira mashoko aya vachiti VaBoka vakarwa vamire panyaya yekuti vanhu vatema vakwanise kurima fodya munyika muno.

“Rodger Boka ndiye akatanga kare kurwisana nemitemo yaiva muno kuti vanhu vatema vazokwanisa kurima fodya. Iye zvino tine musika mukuru weBoka Tobacco Auction Floors, dai nyika yaiwana vanhu vakadaro vanokwana zana chaiva chikomborero chikuru,” vakadaro.

Zvakadaro, sachigaro weBoka Tobacco Auction Floors, VaMathew Boka avo vanove mwana waVaBoka, vakarumbidza baba vavo nekuve mhare mukurwira kodzero dzevanhu vatema munyaya dzekurimwa kwefodya.

“Baba vangu vakabva kure nechinangwa chekuti munhu mutema arime fodya apo mugore ra1987 vakabatana nenyika yeEast Germany munyaya dzekutenga fodya. Panguva iyi, vakada kutenga fodya kumusika wemuno asi vakarambidzwa kuita izvi,” vakadaro.