Kwayedza

‘Bvisai mari yekunyora bvunzo’

Nyaradzo Mashayamombe

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinorwira kodzero yedzidzo yemwanasikana, reTag A Life, rinoti Hurumende inofanirwa kuderedza kana kubvisa zvachose mari inobhadharwa nevadzidzi pakunyora bvunzo dzeGiredhi 7, dzeO- neA-Level.

Achitaura pamusangano wavakaita nevatori nevanhu, executive director wesangano iri, Nyaradzo Mashayamombe, anoti vanotambira nemawoko maviri mutemo mutsva weNew Education Amendment Act wakadzikwa nemusi wa6 Kurume gore rino uyo une donzvo rekusimudzira fundo, kusanganisira yemwanasikana.

“Tinotenda zvikuru Hurumende yedu nekuisa kodzero yevana yedzidzo semutemo unofanira kutevedzwa. Tinofara zvikuru kuti Hurumende yakabvuma kuendesa kumberi zuva rekunyoresa kubhadhara mari yebvunzo dzichanyorwa mumwedzi waChikumi kubva pamusi wa28 Kukadzi kuenda pa30 Kurume zvichitevera shanduko dzakaitwa kana takatarisa mari dzaidiwa.

“Gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Cain Mathema, vakaderedza mari dzekunyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) sezvo vabereki vazhinji vaichema nekudhurirwa vakabva vaderedza nechikamu che53 percent. Izvi zvinoreva kuti vachanyora O-Level vachange vachibhadhara $90 kuchizoti A-Level vachibhadhara $165. Asi izvi hazvisi kutigutsa nekuti tiri kungoona mari iyi yakawanda, zvikuru takatarisa mari dzinotambirwa nevabereki uye zvimwe zvinhu zvinodiwa mudzidzo,” anodaro Mashayamombe.

Hurumende ndiyo iri kubhadhara chikamu che53 percent chemari yebvunzo dzichanyorwa nevadzidzi.

Mashayamombe anoti kana zvichinzi kodzero dzevana kudzidzo zvinoreva kuti fundo inofanira kuwanikwa pachena kana kuti zviri nyore.

“Mari dzechikoro idzi dzichakawanda zvikuru nekuti ibasa reHurumende kuwanisa vana dzidzo pachena (State Funded Basic Education) muzvikoro zveHurumende, zvemakanzuru uye zvemakereke. Vabereki vazhinji vari kuomerwa zvikuru zvekuti tichaona vana vazhinji vachikundikana kunyora zvidzidzo zvese zvavanoda kana kuti vamwe vachitokundikana kubhadharirwa mari dzekunyoresa zvachose,” anodaro Mashayamombe.

Anoenderera mberi achiti, “Tine mazana nemazana evana vari kukundikana kuenda kuchikoro zvisinei nekuti mutemo unotaura maringe nezvekuwaniswa dzidzo yepachena uriko. Vamwe vana vari kuenda kuzvikoro zvemikoto izvo zviri kungonyuka zvinoita kuti vawanikwe vachidofora kana kusaririra kumashure padzidzo.”

Mashayamombe anoti zvisinei nekuvepo kwemutemo unorambidza kudzingwa kwevana vanenge vasina kubhadharirwa mari dzechikoro, kune vamwe vachiri kungodzingwa.

Mamwe emasangano akatsigira chirongwa ichi anosanganisira Zimbabwe National Council for the Welfare of Children (ZNCWC), Women’s Coalition of Zimbabwe (WCoZ), Mambure Trust, Evangelical Fellowship of Zimbabwe (EFZ) neJustice for Children Trust.