Kwayedza

Chikwata choita zvinorova

MASIMBA Potokoma (kuruboshwe) naAllan Makweya vachiratidza zvimwe zvezvidavado. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Memory Mangombe
CHIMWE chikwata chiri kusimukira munyaya dzezvemitambo yemadhirama cheWadana Arts Production chekuUnit N, kuChitungwiza choita zvinorova kuburikidza nekutandadza veruzhinji munzvimbo dzakasiyana. Vamwe vevakuru vechikwata ichi, Allan ‘Mapropa’ Makweya (27) naMasimba ‘Tsuro’ Potokoma (31), vanoti zvemitambo yemadhirama zvagara zviri muropa mavo.

“Parizvino takakwanisa kutamba mitambo inokwana minomwe yave kuonekwa nevanhu,” akadaro Makweya.
Mitambo yakaburwa nechikwata ichi kusvika parizvino inosanganisira Zvirimo mudzimba, Mhosva hairove, Nditsano, Mhosva Ndeyani, Zvichakuwana, Kurumwa nechekuchera naToitweyi?

Makweya anoti chikwata chavo chakavambwa mugore ra2005 uye chine vatambi vashanu vanosanganisira mudzimai mumwe chete, Sabina Masangudze, uyo anove mumwe wevatungamiriri vanoona nezvekufambiswa kwebasa.

Zvakadaro, Potokoma anoti chinangwa cheboka ravo kudzidzisa veruzhinji zvakasiyana kuburikidza nemitambo yemadhirama.
“Dambudziko ratiri kusangana naro nderekuti kana pakaita vanenge vachida kuti vatidaidze kuvavaraidza havazoda kubhadhara mari yakanaka inoita kuti tisimukirewo nekukurumidza,” akadaro Potokoma.

Anoti vari kutsvaga rubatsiro rwemidziyo yekushandisa sezvo kushaikwa kwayo kuri kuvadzorera kumashure mukutsikisa kwavo dambarefu ravo idzva.

Zvakadaro, nguva pfupi yadarika chikwata ichi chakakokwa nekambani yeBoka Tobacco Floors kuti chivaraidze varimi nevamwe veruzhinji