Kwayedza

Chimoto chenhare

Muchaneta Chimuka
MURUME wechidiki wekuChitungwuiza — uyo anofungirwa kuti imbavha —akawanikwa aine nhare mbiri dzinokosha $200 idzo akakundikana kupa tsanangudzo izere kuti akadziwana kupi zvikaita kuti asungwe.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, Blessing Murwisi, akati Tapiwa Nyamukapa (23) adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi.

Nyamukapa ari kubvuma mhosva yake.

Muchuchisi Tsungai Chitapa akaudza dare kuti nomusi waGumiguru 13 zuva rorereka, matikitivha akatambira mashoko kubva kune veruzhinji ekuti Nyamukapa akanga achiba.

Vachishandisa runyerekupe urwu, Detective Samuel Nyambuya (32) vekuZRP New Chitungwiza Camp vakabva vaenda paHuruyadzo Shops uko vakanomusunga mushure mekumubatikidza aine nhare mbiri dzinoti yemhando yeGtel A718 Xplora neHisense U6016 idzo dzinokosha $200.

Nyamukapa anonzi paakabvunzurudzwa nezvenhare idzi, akakundikana kupa tsanangudzo izere izvo zvakaita kuti asungwe.

Murume uyu ari kutongwa nemhosva yekuwanikwa nemidziyo yekuba pasi pemutemo weSection 125 (a)(b) of the Criminal Law Codification Found in Posession of Property Reasonably Suspected to be stolen.