VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
1. Mwana anozvarwa nguva yake isina kukwana anonzi . . . (gavamwedzi)
2. Mwana anoenda namai vake kwavanenge varoorwa patsva anonzi . . . (mubvandiripo)
3. Mwana akafirwa nevabereki anonzi . . . (nherera)
4. Kakomba kanotamba-tamba panhongony’a yemusoro wemwana kanonzi . . . (nhova)
5. Amai vanofa vachisiya mwana mucheche vanonzi vaita chii . . . (maramwamhuru)
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tipe mazita evana vemhuka dzinotevera:
1. Mwana weshumba anonzi . . .
2. Mwana wekatsi anonzi . . .
3. Mwana wegudo anonzi . . .
4. Mwana wemhemwe anonzi . . .
5. Mwana wenguruve anonzi . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.