Kwayedza

CHISHONA CHAKANAKA

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

Vamwe vana vakanyorera vachida kuziva zvakasiyana. Hezvinoi zvimwe zvacho:
Aibertina Makaza ari muForm 4 (haana kutaura chikoro) kuMhondoro akati:
Bigie Chiranga akanyora nhetembo inonzi Chimbambaira dingindira rake rakange riri rei? (Mhinduro svondo rinouya)
* * *
Gladman Mbiri ari muGrade 7 paChisamba Primary, kuSakubva kwaMutare ndokuti:
Mombe yakachekwa inonzi jon’osi, ko imbwa yakachekwa inonzi chii?
* * *
Zvikanzi naTaurai Mapato uyo ari muForm 3 paSt James High School, kuZaka, kuMasvingo:
Mukadzi akafirwa nemurume anonzi chirikadzi, ko murume akafirwa nemukadzi anonzi chii?
* * *
Omega Bote ari muGrade 7 (hapana zita rechikoro) ndokuti:
Minduro yemibvunzo yakabvunzwa svondo rapera inoti:
1. Rukukwe – rupasa/bonde
2. Gudo – bveni
3. Ingwe – mbada
4. Hukwana – nhiyo
5. Muridzi – mwene
* * *
MIBVUNZO YESVONDO RINO:
MuchiShona, munhu akapusa kana kuti anogaroita zvinhu zvinoratidza kunonoka kufunga, kana kusatofunga chaiko anonzi chii? Pane mazita anosvika 11 anoreva munhu akadai. Tiudze kuti ndeapi.
ze******
fu**
du****
chi****
zu*******
re**
be***
du****
du****
nzu******
zenge**
* * *
Mhinduro muKwayedza yesvondo rinouya.