Kwayedza

CHISHONA CHAKANAKA

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Mibvunzo yevana:

Mishel Muponda, mubvunzo wako unoti vana vechikoro vanoverenga vasinganzwisise asi vaine shungu vanonzi chii? Hazvisi zvinhu zvese zvine mazita anobva angoti dyoo. Vana sevauri kutaura vanotoita zvekutsanangurwa sezvawaita.

* * *

Gift Muzvondiwa waida kuziva kuti murume anogara pamba patezvara achishandira mukadzi waanenge achida kuroora anonzi chii. Anonzi ari kutema hugariri. Iye pachezvake anonzi mukuwasha.

* * *

Chirevamwene izwi rinoratidza muridzi/mwene wechinhu. Chinogonawo kunzi chirevamuridzi.

Mienzaniso yechirevamwene mazwi anoti: rangu, wevhu, kebenzi, rembavha, zvake.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Mazuva ano vemakombi vanoti vakaona vanhu vakawanda vanoti paita shura. Asi shura havasi vanhu vakawanda vakamirira kombi.

Shura zvinoreva chishamiso. Saka vakomana vemakombi vanenge vachiti paita chinhu chinoshamisa.

Shura rinogonawo zvakare kunzi nenji. Asi shura kana nenji zvinogonawo kureva chinhu chakaipa. Ipapa ndipo paunonzwa vakuru vachiti:

Asi mwana waKeni anondishura kani?

Ukanzwa pave kutaurwa saizvozvi, ziva kuti pane chawaita chisina kunaka kana kuti chisingatarisirwe.

Mumwe muenzaniso ndeunoti:

Ndashurwa nemukadzi waPetirosi nhasi, kubva anditi ndakamubira ini.

Pasina izvi, munhu unogona kushurudzira mumwe. Apa unenge uchitaura zvichaitika kana kutaura zvakaipa.

 

Mutsika dzechiShona mune zvinhu zvainzi zvinoshura. Tiudzewo zvishanu zvaunoziva.

* * *