Kwayedza

CHISHONA CHAKANAKA

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
Mazita maviri anoreva vanhu vazhinji vanenge vakaungana panzvimbo imwe chete, vakagara kana kuti vakamira vanonzi chii?
1. mhomho
2. chaunga
* * *
MIBVUNZO YESVONDO RINO:
Zadzisa kuti mazita evanhu vazhinji vanenge vachifamba vari pamwe chete vanonzi chii?
1. guru. . .
2. guru. . .
3. guru. . .
4. maku. . .
* * *
Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.