Kwayedza

CHISHONA CHAKANAKA

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Zadzisa pakashama nezwi rakakodzera:

1. . . . . rine makumbo akawanda (Zongororo)

2. (Shiri) . . . . yakamujobora.

3. (Pembe) . . . . yakarira zvine ruzha.

4. (Munzwa) . . . . wakandibaya.

5. (Jongwe) . . . .rakakukuridza.

6. Akanyora . . . . (tsamba)

7. Musango mune . . . . (miti)

8. Kunze kuri . . . . (kuvhuvhuta)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Ichokwadi here kana kuti inhema?

1. Garwe rinokandira mazai

2. Bhiza rinorara rakamira

3. Hurekure inokandira mazai akafanana nevhu

4. Nyoka haina muswe

5. Masvikiro anoshandisa hakata

6. Rimwe zita redengu nditswanda

7. Mbeva inokandira mazai

8. Shiri inonzi mhou haigone kubhururuka

9. Muchero wetsubvu unotsvuka kana waibva

10. Zizi harione husiku

* * *

Mhinduro svondo rinouya.