Kwayedza

CHOLERA: MUSANGOUNGANA

Mapositori aive akaungana pamasowe mumugwagwa Seke Road, kuGraniteside, muHarare, zvinsinei nekurudziro iri kuitwa neHurumende kuti vanhu vasangoungana panzvimbo zvichitevera kunyuka kwechirwere checholera. Panzvimbo iyi panokwanisa kunge pasina zvimbuzi nemvura yemupombi izvo zvinoisa upenyu hwevanhu panjodzi. Zvakare, mvura yemuteuro inopihwa kumasowe inokwanisa kuparadzira chirwere ichi.