Kwayedza

Covid-19: Zivai zvizere

Muchaneta Chimuka
MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganisira muZimbabwe.

Coronavirus utachiona hunokonzera kurwara sekupindwa nechando zvichizowedzera nekufamba kwenguva.

Covid-19 inoparadzirwa sei?

Covid-19 utachiona hwakaipisisa hunotapuriranwa nyore kuburikidza nekusangana nemunhu anayo padyo nepadyo (direct contact).

Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19:

Zviratidzo ndezvinotevera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochururuka dziwa.

Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.

Kana uchifungira kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotevera dzekubazi rezveutano nekurerwa kwevana – Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531

Ungaderedza sei mikana yeCovid-19?

Zvinhu zvinowanikwa kuti vanhu vanoshungurudzika, kutyiswa kana kugumbuka nekuda kwedambudziko iri asika, taurawo neshamwari dzako kana mhuri.

Panguva yaunenge uri kumba, idya chikafu chinovaka muviri, uchinyatsorara uye kuita mitambo inosimbisa muviri.

Taurai panhare kana paWhatsApp nehama neshamwari.

Usashandise zvinodhaka kuti uzvinyaradze mundangariro.

Kana ukaona zvava kukukunda, taura nevarapi uye vapangi vemazano vemunharaunda.

Deredza nguva yekuona zvinhu zvinokushungurudzai paterevhizheni kana kuverenga mumapepanhau. — Ruzivo urwu rwunobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana neWorld Health Organisation.