Kwayedza

Covid yakanganisa zvirongwa zveHIV

Dr Bernard Madzima

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chiri kuderedza budiriro iri kuitwa mukuedza kurwisa HIV zvichitevera kusaenzana kwemikana uye kushaikwa kwezvinokwanirana munyika dzemuAfrica.

Izvi zvinonzi zvaita kuti pave nekukundikana mukuzadzikiswa kwezvinangwa zvegore ra2020 izvo zvakaona huwandu hwevanhu vakabatwa neHIV huchiwedzera kuenda pa3.5 miriyoni uye ndufu 820 000 muAfrica kubvira mugore ra2015.

Mashoko aya akabuda pamusangano weMini- Biomedical HIV Prevention Forum (BHPF) uyo wakaitwa segadziriro yemusangano mukuru we21st ICASA Conference uchaitwa kuDurban, kuSouth Africa mumwedzi waZvita nedonzvo rekukurudzira kuitwa kwetsvakurudzo dziri maringe nekurwisa HIV.

Vachitaura pachirongwa ichi, chamangwiza weNational AIDS Council (NAC), Dr Benard Madzima, vanoti zvakakosha kuti ongororo inge ichiitwa munyika muno nekuti zvinobatsira mukuumba njere itsva mukati menyanzvi dzinoona nezveutano panyaya yekurwisa HIV.

“Kana chirongwa cherudzi urwu chikawaniswa rutsigiro rwemari, zvinotirerutsira senyika kuti tivewo nemishonga yedu yatinogadzira muno nekuti chikamu chikuru chemishonga iri muno, kusanganisira ruzivo rwacho, zvinobva kune dzimwe nyika. Tiri kushanda pamwe nebazi rezveutano nekurerwa kwevana uye mamwe masangano akazvimiririra kuti tive neruzivo rwesainzi rwakakwana maringe rwekurwisa HIV zvisinei nezvimwe zvimhingamipinyi zvinoderedza budiriro yeongororo,” vanodaro.

Dr Madzima vanoenderera mberi vachiti, “Nyaya itsva dzeHIV mukati mevechidiki uye vanhu vanotengesa miviri nevanoita bonde nevamwe varume, dziri kuwanda nokudaro ongororo inofanira kuitwa kuitira kuti pakwanise kutorwa matanho nenguva.

“Tinoda kuva nezvizvarwa zvisina HIV saka donzvo redu nderekuderedza nyaya itsva dzeHIV nechikamu che80 percent mugore ra2025 kuburikidza nekushanda nevanhu vari munharaunda.”

Mai Caroline Mubaira vanova consultant kusangano reCommunity Working Group on Health (CWGH) vanoti kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwakadzosera kumashure nyaya yekurwisa kupararira kweHIV neAIDS munyika.

“Kudzivirirwa nekurapwa kwevana pamwe nevamwe vanhu avo vari panyatwa kwakavhiringwa nechirwere cheCovid-19.

Kuwaniswa kwemishonga yekudzivirira HIV, Pre-exposure Prophylaxis (PrEP) uye ringi (Dapivirine vaginal ring) iyo iri kuitwa ongororo munyika muno nedzimwe nyanzvi dzesainzi kuchabatsira mukuchengetedza utano hwemadzimai kunyanya.

“Mugore ra2019, ongororo iyi yakava nebudiriro ine chikamu che54 percent,” vanodaro.

Vaimbove gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Senator David Parirenyatwa, vanotiwo ongororo yekurwisa HIV yakakosha kuti nyika ikwanise kuzadzisa zvinangwa zvayo zvegore ra2030 zvekupedza HIV neAIDS asi inofanira kutsigirwa nehomwe yemuno kuitira kuti iitwe nenzira yakasununguka.

Kuchitiwo VaItai Rusike, avo vanova executive director weCommunity Working Group on Health, vanoti misangano yeMini-BHPF iri kuitwa munyika nhatu dzinoti Cote d’Ivoire, Zimbabwe neRwanda segadziriro yemusangano mukuru we2021 ICASA Conference uyo uchaitirwa kuDurban, kuSouth Africa mwedzi unouya.