Kwayedza

Dambudziko rechirwere chenzeve

Muchaneta Chimuka
CHIRWERE chenzeve chinowanzotambudza vanhu munguva yekutonhora nekuti chando chinoita kuti0 machubhu emunzeve azvimbe kana kuvhara. Ongororo yakaitwa nesangano rinomirira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, iyo yakaburitswa mubhuku rinonzi “Your Health Your Life”, inotaridza kuti vane matambudziko echirwere chenzeve vanofanira kutsvaga rubatsiro kuzvipatara nemakiriniki nekukasika. Kutonhora kunonzi kunoita kuti mukati menzeve muite hunyoro hunobatsira kuti mabakitiriya awande.
Kuburikidza nekuzvimba kunoita nzeve, marwadzo anowanikwa achinyuka. Chirwere chenzeve chinowanzotambudza vana.

Zviratidzo zvechirwere chenzeve:

Marapirwo enzeve:

Zvakakosha kuti murwere aregedze kuisa zvimwe zvinhu zvakaita semafuta kana sauti munzeve kana mimwewo mishonga yechivanhu sezvo zvichigona kubatsira mukubereka kwemabhakitiriya izvo zvinogona kuita kuti atadze kunzwa zvachose.
Kana hurwa huchibuda, zvakakosha kuisa donje rakachena kana kajira asi uchienda kwachiremba.