Kwayedza

DeMbare, Bosso dhuma! . . . vorwira zna Charity Shield

Abel Ndooka
KUNOTSVA demo kugosara mupinyu nemusi weSvondo apo makara asingaonane – Dynamos FC neHighlanders – zvichange zvichitatsurana mumutambo mukuru weZimbabwe Derby kana kuti Battle of the Cities mumutambo weZimbabwe National Army Charity Shield.

Hukuru hwemutambo uyu uye ruvengo ruri pakati pezvikwata zviviri izvi zvakangofanana nehwemimwe mitambo ine mukurumbira pasi rose yakadai seEl Clasico iyo inotambwa neReal Madrid neBarcelona dzekuSpain, Manchester Derby weManchester United neManchester City kuEngland neSoweto Derby yekuSouth Africa inotambwa neKaizer Chiefs neOrlando Pirates.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vatsigiri venhabvu vakasiyana ichida kunzwa pfungwa dzavo pamusoro pemutambo uyu.

Desire Tshuma anove mutsigiri weHighlanders anoti kunyangwe zvake achitsigira chikwata cheManchester United, mwaka wega-wega mutambo weZim Derby unoreva zvakawanda kwaari sezvo akarerwa mumhuri inotsigira Bosso.
“Highlanders kwandiri imhuri yangu nekuti ndakakura ndichiitsigira uye kana ikasangana neDynamos handidi kuti ikundwe, kana sadza kumba handidye ndakagumbuka.

“Zvinorakidza kukosha kwakaita mutambo uyu, asi kana iri Manchester United yakundwa neManchester City ndinongoti ndizvozvowo zvinowanikwa. Saka derby redu muno riri pamberi,” anodaro Tshuma.

Tinashe Daniere – uyo anotsigira Dynamos – anoti anotarisira kuti chikwata chake chichahwinha mumutambo uyu.
Zvisinei, anoti mutambo weEl Clasico une rutsigiro rwakasimba pasi rese.

“Ini ndiri mutsigiri mukuru weDynamos uye ndinoitevera mitambo yayo kuti iri kutamba sei. Asi, mutambo weEl Clasico kwave kuseri, hatidi kunyeperana. Wega ukangonzwa mazita anenge achitaurwa ipapo akadai saLionel Messi, Cristiano Ronaldo unobva watoziva kuti iyi yave nhabvu. Zvisinei, Zimbabwe Derby yedu muno hongu toida.” anodaro.

Mumwe mutsigiri weDynamos FC, Lovemore Dodo, anoti kunyangwe zvazvo mitambo yeEl Clasico, Manchester Derby neSoweto Derby ichinakidza kuona nekuda kwemazita evatambi vanenge vachikwikwidza, iye anofarira Zim Derby nekuti mutambo uyu ndewemuno.

“Ini kwandiri mitambo yemuno ndiyo inouya pekutanga, ndiyo yandinotsigira kunyangwe zviite sei. Hapana pandichaonekwa ndichinotsigira zvimwe zvikwata zvekunze uko ndichisiya zvemuno, kwete hazvibvire.

“Hongu mitambo yeEl Clasico, Manchester Derby neSoweto Derby inovaraidza asi ini ndinofamba neZim Derby yedu yemuno,” anodaro.

Zvisinei, svondo rino maziso ose achange ari pavatambi vanosanganisira Kudzai Dhemere weDynamos naPeter Muduhwa weHighlanders kuda kuona kuti vachange vachiita zvidavado zvipi munhandare.