Kwayedza

Fembera-fembera Tione!

TSVIRIYO TSVIRIYO! . . . Chirongwa cheKwayedza Fembera-fembera Tione chiri kukura uye chichiita mukurumbira nevaverengo apo chinoburitsa vanhu vane mukurumbira vakavharwa kumeso kuti vaverengi vafembere. Vamwe vaverengi vari kuhwinha maCD nemaDVD nekuwana mukana wekusangana nevanhu vane mukurumbira sezviri pamufananidzo uno apo Mukudzei “Jah Prayzah” Mukombe (pakati) aidyira-dyira nevamwe vatsigiri vake vakakwanisa kufembera apo akaburitswa pachirongwa ichi nguva yadarika.

Vatsigiri ava, Morgan Kwaramba (kurudyi) wekwaRusape naNathan Gosho wekuGweru vakanodyiswa tunonaka naJah Prayzah kuMillers Cafe iyo rii paSam Levy, kuBorrowdale muHarare, apo panozivikanwa nekudyirwa neshoroma, mushure mekunge vagona kufembera. – Mifananidzo: Memory Mangombe.