Kwayedza

Fembera-Fembera Tione!

VAVERENGI, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti muimbi uyu — uyo anova chizvarwa chemuZimbabwe ane mukurumbira mumusambo weReggae pasi rose anogara kunze kwenyika uko ari muzvinafundo pane imwe yunivhesiti uye pari zvino akauya munyika muno kuzoparura dambarefu rake rinonzi Makuwerere — ndiani?