Kwayedza

Fundo ngaibatsire kusimudzira nyika

NYIKA yeZimbabwe inozivikanwa zvikuru mukuva nemukurumbira munyaya dzedzidzo muAfrica nepasi rose. Vanotaura vanoti hakuna nyika iri pasi pano isina chizvarwa cheZimbabwe, chiri kudzidzako kana kushanda. Izvi zvichikonzerwa nekuti nyika ino ine vanhu “vakadya mabhii” uye vanoziva mabasa akasiyana izvo zvinovaita kuti vakwanuise kukwikwidza nani zvake pamabasa.

Izvi zvinodaro nekuti Zimbabwe ndiyo iri pamusoro muAfrica pakuve nevanhu vanogona kunyora pamwe nekuverenga.
Iyi ibudiriro inofanira kurumbidzwa uye inosungirwa kuramba ichisimbaradzwa. Zvakadaro, dzidzo yemuZimbabwe iyi inofanirwa kubatsira mukusimudzira nyika ino kwete dzimwe nyika, mungave mumaindasitiri kana zvimwe zvikamu zveupfumi. Apa ndipo pari kuperevedza fundo yemuno uye tinogashira nemawoko maviri mashoko egurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Cde Oppah Muchinguri, ekuti dzidzo inofanirwa kubatsira mukusimudzira budiriro yenyika.

Zviya zvekuti tine vanhu vakadzidzira mabasa asi zvisingaratidze nekubudirira kweupfumi hwenyika hazvina chazvinobatsira. Sekutaura kwaCde Muchinguri, vadzidzi vanobva kuzvikoro zvepamusoro zvakaita semakoreji nemayunivhesiti vanosungirwa kuva neruzivo rwekusimudzira mabasa anosimudzira upfumi hweZimbabwe.
Vanoti mabasa aya akafanana nekuva neruzivo rwekuti matomatisi anogaiwa sei kuti agogadziriswa zvimwe zvinhu pamwe nekuti zvicherwa zvakaita semadhaimondi zvinokwenenzverwa sei.

Ruzivo urwu rwakakosha nekuti rwunoita kuti zvinhu zvemunyika yeZimbabwe, zvingave zvicherwa kana zvirimwa, zvivandudzwe pane kungozvitengesa zvakadaro kunze kwenyika asi zvozotengwa zvakare zvavandudzwa sezvo zvinenge zvave kudhura.

Nekudaro, zvidzidzo zvakaita sesainzi pamwe nemasvomhu zvinofanira kutsigirwa zvikuru muzvikoro nekuti ndizvo zvakanyanya kurerekera kumabasa ane chekuita nebudiriro yenyika kuburikidza nekusimudzirwa kwemaindasitiri. Asi hazvireve kuti zvimwe zvidzidzo hazvina kukosha.
Nhasi uno nyika dzakawanda dzokumadokero maindasitiri adzo akasimukira zvikuru asi tikanyatsocherechedza tinoona kuti zvinhu zvinogadzirwa kana kuti kuvandudzwa mumaindasitiri aya zvinobva kunyika dzakadzikira munyaya dzeupfumi, zvikuru dzemuAfrica.

Semuenzainiso, zvicherwa zvakaita segoridhe, mhangura pamwe nemadhaimondi zvinotengeswa kunyika dziri kunze sedziri kuEurope zvisina kuvandudzwa uko zvinonosimudzira upfumi pamwe nemaindasitiri eko.

Nguva yakadarika yekuti tiswere tichipfumisa nyika dzekumadokero nezviwanikwa zvedu. Naizvozvo, zvakakosha kuti muzvikoro zvepamusoro zvakaita semayunivhesiti pamwe nemakoreji muve nezvekushandisa zvakakwana zvinodiwa nevadzidzi kuti fundo yavanowana igobatsira mukusimudzira kwenyika. Izvi zvinoreva kuti panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekutsigira pamwe nekuvandudza dzidzo yepamusoro iyi kuti vadzidzi vawane ruzivo rwune pundutso. Vadzidzi vanofanirwa kuwana fundo inoenderana nezvavanozosangana nazvo kana vachinge vave kumabasa. Tinogashira zvakare chirongwa chiri kuitwa pari zvino nebazi redzidzo yepuraimairi nesekondari chekutsvaga mazano kubva kumapoka pamwe nemasangano akasiyana ekuti dzidzo yemuZimbabwe ingavandudzwe sei kuti igobatsira mubudiriro yenyika.

Tinodaro nekuti hazvibatsire kuve nemukurumbira wekuve nyika ine vanhu vakadzidza zvikuru asi dzidzo yacho isingape pundutso kunyika.
Vana vanoburwa muzvikoro ngavakwanise kuendesera chirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika, cheZim-Asset, padanho repamusoro.