Kwayedza

Gadziriro dzemakwikwi eWoodball dzoitwa

Malven Mugadzikwa —
GADZIRIRO dzemakwikwi eWoodball ayo achaitirwa kuUganda muna Chikumi gore rino dzava padanho repamusoro uye svondo rapera vadzidzisi 38 vemudunhu reHarare vakaita zvidzidzo zvekurairidza mutambo uyu.

Vadzidzisi ava vakapihwa zvitupa zvekurairidza mutambo uyu pachikoro chePrince Edward School muHarare uye ndivo vachadzidzisa vamwe varairidzi vekuzvikoro zvakasiyana.

Vachitaura vakamirira mukuru wezvedzidzo muHarare VaChristopher Kateera, VaDavy Zumweni vanove acting deputy director secondary and non-formal education muHarare, vanoti mutambo weWoodball unofanira kukosheswa nekupihwa rutsigiro rwakakwana semimwe yagara ichitambwa.

“Kupedza zvidzidzo kwaita varairidzi ava mucherechedzo wekuenderera mberi kwatiri kuita seHarare Province mukuunza mutambo weWoodball muzvikoro. Varairidzi ava vava kuratidza kuva neruzivo nemutambo uyu zvinoratidza kuti tiri kufamba nenzira chaiyo. Ndine shuviro yekuti makochi aya vava neruzivo rwepamusoro rwekudzidzisa vamwe vavo muzvikoro pamwe chete nemumakirabhu akasiyana mavachapinda vachiparura mutambo uyu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mutambo uyu unofanira kukosheswa pamwe chete nekuwanirwa vakotsveri semimwe yakadai senhabvu, tennis, netball kana rugby. Ndinoshuvirawo zvakare kuti kumadistrict akasiyana edzidzo muHarare kuumbwe makomiti evarairidzi ekuti vadzidzise mutambo uyu. Makomiti aya anofanira kurongwa nekutungamirirwa nevarairidzi vakadzidziswa kuita makochi emutambo uyu ava.”

Sachigaro wekomiti yeWoodball muHarare, VaAnthony Mhene, vanoti kupedza kwevarairidzi ava zvidzidzo zvemutambo uyu ndechimwe chidanho chegadziriro dzekuenda kumakwikwi eWoodball kuUganda.

“Uyu mucherechedzo wekuti gadziriro dzedu dzava pamusoro. Ruzivo rwavava narwo rwunoita kuti vakwanise kupinda mumitambo iyi. Kana Zimbabwe ichinge yakwanisa kupinda mumakwikwi aya zvinoreva kuti mitambo yepasi rose ichazotevera ichange yava kukwanawo. Kupera kwemwedzi uno tiri kutarisira kuumba makomiti edu ematimu achanotamba kuUganda,” vanodaro VaMhene.