Kwayedza

Gadziriro dzemwaka wekutengesa fodya dzoitwa

Dr Andrew Matibiri

Kingstone Mapupu
KAMBANI yeTobbaco Industry and Marketing Board inoti gadziriro dzemwaka wekutengeswa kwefodya dzave padanho repamusoro uye kutengeswa kwechirimwa ichi kumisika yakasiyana kunotarisirwa kutanga pakati pemwedzi waKurume.

Dr Andrew Matibiri vanova chamangwiza weTIMB vanoti vari mushishi yekushanda nemapoka akasiyana mukugadzirira mwaka wekutengeswa kwefodya.

“Gadziriro dzose dzavapo dzekuti mwaka wekutengeswa kwefodya wa2019 utange uyo tinotarisira kutanga pakati pemwedzi waKurume,” vanodaro.

Mwaka uno, fodya yakarimwa inonzi yakatandavara mahekita 102 795 uye parizvino varimi vazhinji vari kutokohwa chirimwa chavo vachipisa nekuisa mumabhero.

Mumwaka wa2017 kusvika 2018, minda yakarimwa fodya yaiva yakatandavara mahekita 104 397 zvinorakidza kuti mwaka uno fodya yakarimwa ishoma.

“Minda yakarimwa fodya mwaka uno midiki kana tichienzanisa nemwaka wakadarika asi chinofadza ndechekuti minda yedu inorakidza kuti varimi vazhinji vane fodya yakanaka zvikuru iyo tinokurudzira kuti vaipise zvakanaka,” vanodaro Dr Matibiri.

Vanoti semakore ose, misika yakapihwa marezinesi ekutengesa fodya inosanganisira Boka Tobacco Auction Floors (BTF), Tobacco Sales Floor (TSF) nePremier Tobacco Floors (PTF).

Dr Matibiri vanoti misika yose iri kutaura kuti vamiriri vevarimi vari kuda kuti vabhadharwe mari yavo kana vatengesa fodya nechikamu che60 percent chemaUS$.

Mai Chido Nyakudya vanova mukuru wezvekutengeserana nekusimudzirwa kwebhizimusi kukambani yeBoka Tobacco Floors vanoti vagadzirira mwaka wekutengeswa kwefodya.

Vanoti nyaya huru ndeyekuti varimi vari kuda kutengerwa fodya yavo nemari yekunze nechikamu chinosvika 60 percent kana kudarika.

“Inyaya iri kutiomera sevemisika yefodya, tiri kuedza kutaura nemasangano evarimi neTIMB kuti vakurukure neHurumende kuti varimi vedu vapihwewo mari yemaUS$ ine chitsama sechikumbiro chavo kuti tisazoita kupokana navo,” vanodaro.

VaPhillemon Mangena vanova managing director wePremier Tobacco Floors vanotiwo gadziriro dzemwaka wekutengeswa kwefodya dzave padanho repamusoro.

“Gadziriro dzemwaka wekutengeswa kwefodya dzava padanho repamusoro kukambani kwedu asi nyaya yemabhadharirwo evarimi vedu ndiyo yatangomirira zvisinei kuti zvose zviri kufamba zvakanaka,” vanodaro.

VaPaul Zakariya vanove executive director wesangano reZimbabwe Farmers Union vanotsinhira mashoko ekuti varimi vavo vane chichemo chikuru chekuti vanodawo kupihwa chikamu chemari yavanenge vatengesa fodya nemaUS$.

“Sesangano rinomirira varimi, itarisiro yedu kuti dai Hurumende yabhadhara varimi vefodya nemari yekunze ine chitsama kuitira kuti vakwanise kuramba vari muminda nekutengawo midziyo yekurimisa. Panyaya yechikamu chinofanirwa kubhadharwa varimi nemari yekunze, hatisati tawirirana chaizvo,” vanodaro.

Gore rapera, fodya yakatengeswa kumisika yose munyika ino yaive makgs 249 miriyoni ichikosha $729 miriyoni.

Mwaka wadarika, fodya yaitengwa nemari yakawanda kumisika yeruzhinji yaiita $4,99 pakg kuchitiwo kuvarimi vemakondirakiti yaive $6,25 pakg.