Kwayedza

Gomarara: Zviratidzo nemarapirwo aro

Muchaneta Chimuka
GOMARARA chirwere chakaipa zvikuru icho chinoita kuti nyama dzemuviri (cells) dzinge dzichimera nenzira dzakasiyana zvichikanganisa utano hwemunhu. Chirwere chegomarara chinogona kubata kana ipi zvayo nhengo yemuviri, semapapu, mudumbu, mazamu, muchibereko nezvimwe.

Gomarara rinogona kubata munhu wose, mukuru kana mudiki.

Gomarara remuzamu rakamira sei?

Gomarara remuzamu rinobata varume nevakadzi, asi rakanyanya kuwandira kumadzimai.

Gomarara remhando iyi rinoonekwa nekumera kabundu mukati mezamhu kana muhapwa uye ndiro riri kukonzera ndufu kumadzimai vakawanda, zvikuru avo vari pakati pemakore 40 kusvika 55 okuberekwa.

Kana chirwere ichi chikakasika kuonekwa chinogona kurapwa chichipera.

Zviratidzo zvegomarara remuzamu:

Ungaziva sei kuti igomarara?

Zvakakosha kuti munhu acherechedze zviratidzo zviri pamusoro kuti akasike kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa.

Madzimai anokurudzirwa kuti ange achicherechedza sanduko dzinoitika pamazamu avo mwedzi nemwedzi, zvikuru mukati memazuva mana vachangobva mukutevera.

Madzimai ane makore 18 okuberekwa zvichienda mberi vanokurudzirwa kuti vagare vachicherechedza mazamu avo.

Gomarara rinogona kutevedza nemumhuri iyo inogona kuve nenhoroondo yechirwere ichi.

Kutora zvinodhaka zvakaita sedoro kana fodya kunowedzera mikana yekuti munhu abatwe negomarara.

Kuzorera mishonga yekukudza kana kudereredza mazamu kunovedzerawo mukana wekuva negomarara.

Gomorara iri rinorapika sei?

Kana munhu achinge avhenekwa nemachiremba vakaona kuti ane gomarara remumazamu, chikamu chezamu chinenge chakakanganisika chinogona kuvhiiwa kana kubviswa kwebundu racho.

Kana zamu racho richinge rakanganisika kuburikidza nekunonoka kuonekwa kwechirwere rinogona kubviswa rose munhu achizoiswa mazamu ekuisira (artificial breast).

Pane dzimwe nguva nzvimbo inenge yakanganiswa inopiswa nemichina yemagetsi (radiotherapy) izvi zvinobatsira kuti gomara risaramba richitekeshera nedzimwe nhengo dzemuviri dzinenge dzisina.

Chiremba anogona kupa murwere mishonga inoita kuti gomarara risaramba richinyuka (chemotherapy).