Kwayedza

‘Hazvingoitika, ingozi iyi’

VANOTAURA vanoti zvakangooma uye hazvisi nyore kuti mukuwasha azviuraire pamusha patezvara vake sezvo izvi zvichiunza mweya wakaipa kumhuri iyi. Pachivanhu, zvinonzi mukuwasha akanozviuraira kumusha kwatezvara zvinokoka mweya wengozi inonetsa kugadzirisa mumusha mavo.

VaMoffat Mazambani (48) vekuZvipani, KuHurungwe kwekare, vanoti nyaya yakadaro haingoitika pasina chiripo.
“Vemhuri iyi vanofanirwa kufamba kune vanhu vanoita zvechivanhu nekuti imhepo dzakasimba kuti mukuwasha azofira kumusha kwenyu, vanhu vangapere,” vakadaro VaMazambani.