Kwayedza

Hurumende yopa vanotambura chikafu

Vagari veWard 17 kuMarondera vachigashidzwa masaga echibage kubva kuHurumende.

Victor Maphosa

HURUMENDE, kuburikidza nebazi rezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, yakatanga chirongwa chekupa chikafu kumhuri dzinotambura mudunhu reMashonaland East.

Svondo rapfuura, bazi iri rakapa chibage kumazana nemazana evanhu muWard 17 yekuMarondera.

Muhurukuro nemunyori uno pachirongwa chekugovera chikafu panzvimbo yemabhzimisi yeChiwanzamarara, kuWard 17, kuMarondera, Mashonaland East Provincial Social Development officer — Mai Laizah Chourombo — vanoti chirongwa ichi chichaitwa mudunhu rose.

“Chirongwa ichi chakatotanga kwaMutoko uye chichaitwa kune dzimwe nzvimbo dzose mudunhu rino. Tiri kupa chikafu kune vakwegura, vakaremara nevana. Bazi redu richaona kuti hapana anofa nenzara.

“Tiri kuita izvi mudunhu rose, pasina munhu kana nzvimbo inosara kumashure,” vanodaro.