Kwayedza

Kamunakiro ketsuro mudovi

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa:
Chikari,
poto kana pani
Hanyanisi nematomatisi
Dovi,
munyu nemvura
Nyama yetsuro yakasasikwa

Mabikiro nenguva inodiwa:
Cheka zvidimbu zvakanaka zvenyama yetsuro wosuka nemvura inotonhora.
Chiisa mupoto, chikari kana pani wogadza pamoto.
Tora mvura makomichi (makapu) maviri wodurura imomo, isa hanyanisi, matomatisi nedovi zvipunu zviviri wosanganisa nemugoti kusvikira zvave kukwata zvakanaka.
Rega zvikwate kwemaminitsi gumi, isa munyu mushoma nekuti dovi rine munyu waro kare.
Usavi uhu hwakanaka kudya nesadza rezviyo, chibage kana remhunga.