Kwayedza

‘Koshesai upenyu’

GEORGE KANDIERO

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe National Traditional Healers Association (ZINATHA) riri kuyambira nhengo dzaro kuti dzikoshesa upenyu hwevanhu kwete mari pakushanda kwadzo munguva ino yeCovid-19.

Zinatha inoti nhengo dzayo idzo dzinoshandira pachivanhu – n’anga nemaporofita – dzinofanirwa kucherechedza zvose zvinokurudzirwa nenyanzvi dzezveutano pakudzivirira chirwere cheCovid-19.

Mashoko aya akataurwa nemukuru wesangano iri, VaGeorge Kandiyero zvichitevera kuunganidza vanhu kuri kuitwa nemamwe machechi nedzin’anga munguva ino yekurwisa Covid-19.

Kuungana kwevanhu hakusi kutenderwa nemutemo pakati pemamwe matanho akadzikwa neHurumende mukuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

Asi vamwe vemachechi – kunyanya mapositori – nen’anga vanonzi vachiri kuunganidza vanhu pamasowe kana panzvimbo dzavanoshandira vachityora mitemo yeCovid-19.

VaKandiyero vanoti: “Sesangano rinomirira machiremba echivanhu anosanganisa n’anga, vananyamukuta, maporofita nevamwe vanobatsira pamweya, tinoona kuti taita dambudziko senyika kuti kune vamwe vedu vari kumhanyira kuwana mari vachiunganidza vanhu kungava kumachechi kana kwavanobatsira vari – mutemo wenyika hausi kubvumira izvozvo. Ngatichengetedzei upenyu pane kuisa mari pamberi.”

Vanoti n’anga nemaporofita ngavambomira kushandira vanhu kudzimba kwavo panguva ino yekurwisa Covid-19 vachiti kutyora mitemo yekudzivirira chirwere ichi kunokonzera kupararira kweutachiwana hwecoronavirus.

“Tiri kuona kungava kumasowe kana kune mamwe machechi nekudzin’anga dzedu vari kuunganidza vachinamata nekushandirwa, Tinozviziva kuti panoungana vanhu machiremba edu anenge achida mari – inyaya yekuda cheuviri. Asi tinongoti ngatikoshesei upenyu pane kuda mari zvakanyanyaa,” vanodaro VaKandiyero.

Nyanzvi dzezveutano dziri kukurudzira veruzhinji kuti vasiyane nekuita chitsokotsoko, vopfekawo mamasiki nemazvo vachizora masanitiser, nekutevedza dzimwe nzira dzose dzinokurudzirwa.

Imwe nzira inobatsira kubaiwa majekiseni anodzivirira chirwere ichi ayo aziri kubhadhariswa muZimbabwe.

“Tine vamwe vane tsika yekunyengera vanhu vachiti vanorapa Covid-19 dzinova nhema uye imhosva pasi pemutemo wenyika yedu. Chirwere ichi hachisati chawanikwa mushonga unochirapa.”

VaKandiyero vanoti kuungana inzira huru inoparadzira utachiwana hweCovid-19.

“Kumachechi kwedu hatina michina inoona mamiriro eutano hwevanhu uyewo vamwe vanogona kuuya kumatare kwenyu kana kumachechi vachitorwara neCovid-19 imi motanga kuvabatsira, vanhu vose varipo voguma vave kurwara kana kurasikirwa neupenyu. Tinadzo nhengo dzedu dzakatofa munyika muno nekunze nekuda kwechirwere ichi,” vanodaro.

Prophet Mateo Mupfumbati vemuHarare, vanotiwo ivo nesangano ravo vakatomira kushandira vanhu nekuungana kuchechi kwavo vachitevedzera mitemo iripo.

“Tinotevedzera mitemo yeHurumende nezvose zvinodiwa, takatomira zvekushandira vanhu kumasowe nekuchechi kwedu kusvika mamiriro echirwere ichi adzikama,” vanodaro Prophet Mateo.