Kwayedza

Kubika kahuku kechivanhu

Kahuku kechivanhu kane munakiro wako

Zvinodiwa kushandisa:
Chikari, poto kana pani
Mugoti, chipunu, banga
Kahuku kechivanhu
Hanyanisi (imwe chete)
Matomatisi (mana)
Munyu

Mabikiro:
Cheka huku muzvidimbu zvakaenzana wosuka matomatisi, hanyanisi wocheka muzvidimu zvidiki-diki.

Gadza chikari, poto kana pani pamoto woisa mafuta uye kana apisa tora nyama yese woisa imomo.

Chikanga kwemaminitsi makumi maviri woisa hanyanisi, matomatisi woramba uchikanga kusvikira zvanyatsotsvukira.

Isa mvura komichi imwe chete wokwidibira zvombokwata kweawa uchipindura-pindura kuti zvisatsva.

Isa munyu mushoma woraidza kuti zvaringana here wobura usavi hwako.

Munogona kudya nesadza rechibage, rezviyo kana remhunga.