Kwayedza

Kubika matemba zvemhando yepamusoro

Matemba

Zvinodiwa kushandisa:
Chikari, poto kana pani
Hanyanisi, matomatisi
Munyu, mafuta
Matemba
Chipunu
kana mugoti

Mabikiro anodiwa:
Tora matemba wonyika mumvura inopisa kwemaminitsi makumi maviri.
Cheka hanyanisi nematomatisi zvakasukwa zvakanaka wogadza chikari, poto kana pani pamoto.
Isa mafuta uye kana apisa tora hanyanisi nematomatisi woisa imomo wokanga kusvikira zvanyatsotsvukira.
Tora matemba woisa imomo zvakare wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi makumi matatu.
Raidza usati waisa munyu nekuti matemba ane munyu wakawanda nakare.
qqMatemba chirera mhuri, ndiwo akabata dzimba dzakawanda
Usavi uhu hunokurudzirwa panyaya dzehutano.