Kwayedza

Kugara pamba kwakubhowa: Siyachitema

Perpetual Siyachitema

Abel Ndooka
MURAIDZI wechikwata chenetball cheGlow Petroleum, Perpetual Siyachitema, anoti kungogara pamba kwave kubhowa uye anoshuvira kuti kudai chirwere cheCovid-19 chachipera kuitira kuti adzokere kubasa rake raanodisisa.

Kubva pakatanga chirongwa chekuti vanhu vagare kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiona hwecoronavirus, Siyachitema anoti ange agere zvake mumba make asi achitora mukana uyu kumborairidza vatambi vake achishandisa dandemutande reWhatsApp.

Anoti ari kutora mavhidhiyo otumira vatambi vake paWhatsApp uye ivo vazomutumirawo zvavanenge vachiita vari kudzimba dzavo.

Anoti mutambi wenetball haafanire kuramba akangogara chete nekuti zvinogona kuzokanganisa muviri wake akazotadza kutamba zvakanaka mutambo uyu.

“Kana uri mutambi wenetball kana mimwe mitambo, haufanire kupedza nguva refu wakangogara asi kuitawo gadziriro nekuti panozonzi mutambo ichitambwa muviri wako hauzoneta. Ini vatambi vangu ndiri kuvatumira mavhidhiyo paWhatsApp andinenge ndazvitora ndiri kumba ndovati itai izvi. Ini ndinozoda kuona mavhidhiyo vachitevedzera zvandinenge ndavatumira kuti vaite,” anodaro.

Kubva zvaakadzoka kuLiverpool gore radarika uko kwaakatungamira maGems kumutambo weVitality World Cup, Siyachitema akabva asendeka zvekutamba mutambo uyu ndokutanga kuurairidza.

Anoti netball ndiwo hupenyu hwake saka naizvozvo amirira kuti coronavirus ipere agodzokera kubasa rake raajaira.

“Kuramba takangogara padzimba hakuchanakidze, coronavirus ngaichipere tidzokere kumabasa edu atajaira,” anodaro.