Kwayedza

Kurambwa nebhawa chairo

SEKURU vangu vaive n’anga yaiita mashiripiti. Asi vakandirambidza kuita zvehun’anga. Vakandinyima mishonga yavo, vakandiudza kuti yaive yakaipa. Vakandifungisa mumwe murume akadzingwa mubhawa achinzi, “Ibva muno unotitadzisa kunwa doro. Fesi yako haisi yemubhawa.” Paakadzingwa mubhawa akarwadziwa. Asi akazoita mufundisi wechechi.

Neniwo sekuru vakaramba kuti ndiite zvehun’anga, asi ndave kunzwa saPaul akati, “Muvonge Baba, vakatikwanisa kuti tipihwe nhaka yevatsvene muchiedza, vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muhushe hweMwanakomana werudo rwavo.” Ini newe tichasangana nevanhu vakarambwa nebhawa, vakarambwa nen’anga, vakarambwa nepfambi chaiyo. Vamwewo vakarambwa nechechi. Vanhu ivavo tinoitei navo? Tinovasiya vakadaro here? Tinovapa mazita here kana kuti tinovada?

Tinoziva kuti Jesu akavaona anoita sei navo, nekuti nesuwo akatimbundira pataiteverwa nenhunzi tichinhuhwa.

Rudo igumbeze munguva yechando. Jesu aida vanhu. Akanga asina basa nekuti une mari here kana kuti hauna. Akanga asina basa kuti uri mutsvuku here kana kuti mutema, unonhuhwirira Gucci uye mumusoro mako muine 100% Brazillian uchiburitsa mari mubhegi reDolce Garbana here?

Jesu akanga asingapfeke maShades kuti aratidze swag. Jesu akanga asina basa nekuti uri wekuSomalia, Rwanda, Mozambique, Swaziland, Kotwa, Mudzi, Kezi kana Kariba. Jesu akanga asingatarise kuti nezuro wakaba kana kutora murume wemunhu. Akanga asingatarise kubudirira kwako kubasa, muzvidzidzo zvako kana mbiri yako mune zvematongerwo enyika. Akanga asinei nechechi yako – Roma, Hwisiri, Dhachi, Zion kana maMinistry.

Rimwe zuva pakauya mumwe mukadzi achikwekweredzwa. Akanzi akanga abatwa achifeva. Paakaendwa naye kuna Jesu, semunhu akanga abatwa achifeva, hembe dzake dzakanga dziri tambo chete-chete nekuda kwepaakanga abatwa ari.

Uchenjere kuti newewo uchabatwa ukaendeswa kuna Jesu wakapfeka tambo. Asi mukadzi uyu paaiti nhasi zvangu hupenyu hwangu hwaguma, Jesu akamumiririra. Jesu akamisa matombo emashoko nematombo chaiwo akanga achifanirwa kuuraya mukadzi uyu. Jesu haana kumutuka nekumudzinga achiti unonyadzisa nekusemesa. Akataura naye. Jesu akamupfekedza mbatya dzakatsiga dzetsitsi.

Paivewo nemumwe murume, tsotsi, gevha, mudhila aitorera vanhu mari paaiita basa rake rekutora mari dzemutero. Murume uyu aivengwa nevanhu kunge chikwereti. Akanga asina shamwari nekuda kwekubira vanhu twumari twavo twushoma twavakanga vatamburira. Murume iyeye paakasangana naJesu, akanga ari mumuti. Jesu haana kumupotsera nematombo achiti mbavha yemakoko kuti adonhe mumuti maakanga akakwira.

Asi Jesu akataura naye, akaenda naye kumba kwake. Jesu akamuratidza rudo. Dzimwe nguva kutsvaga zvakaipa zvemunhu hakumubatsire kuti aone chiedza.

Jesu aive nerudo. Nanhasi ane rudo. Jesu haasi mumiromo yevanoshambadza minana nekuti haana kuvinga mari panyika. Akatorova vanhu vaitengesera muchechi. Dai Jesu aive nechinangwa chekubhaiza vanhu achivabira mari, pamuchato weKana dai akaita mari zhinji nekuvatengesera waini. Kana nevanhu 5 000 vakadya chingwa nehove zvaakanga anamatira vaigona kumupa chibhanzi chisvinu.

Pakawanda Jesu paaigona kuita mari. Aigona kubhadharisa shirikadzi yepaNaini kumutsa mwana. Asi Jesu akafa asina kana mari kubhengi. Asi rudo rwake kwatiri rwakaita kuti abvume kukundwa kuti agokunda.

Jesu akafa makore anodarika 2 000 apfuura, asi rudo rwake rwakamirira vanhu. Rudo harutengeswe. Kana rudo rwave kutengeswa chinenge chave chipfambi.

Jesu rudo.