Kwayedza

Kure kwegava ndokusina mutsubvu

Wedzerai Nhemachena

naWedzerai Nhemachena

Mutsubvu muti wemusango unobereka muchero unonzi tsubvu. Tsubvu dzinonaka chaizvo, vari padare rino avo vakakura vachifudza mombe vanozviziva.

Mutsubvu unowanikwa kunzvimbo dzakawanda muZimbabwe. Mbiri yekunaka kwemuchero uyu wakasvika pakuumbwa kwechirevo chinoti, “Kure kwegava . . .”

Gava imhuka yemusango. Vazhinji vedu tinoiziva ichirura kwazvo pakudya nyama. Asi kanapo ichidya zvayo nyama, inofarirawo tsubvu zvekuti inofamba nzendo refu kunotsvaga muchero uyu.

Pane chinhu chimwechete chisingafadze pakudya tsubvu — dzinosvibisa mazino. Zvino mazino akasviba haafadze kutarisa nokuti ndiwo anotanga kuonekwa neruzhinji. Mazino akachena anopawo muridzi wawo chimiro chakanaka paruzhinji.

Vazhinji vangavhunze kuti ko sei dare rino rakanda nyaya yetsubvu mudariro nhasi? Mhinduro ndiyoyo yekuti vakomana vanofambira vasikana vari kure nekwavanogara.

Havatye kuti vanogona kusangana nemhuka dzesango. Chinangwa chavo ndechekuda kunoona shamwarisikana dzavo. Nokudaro, mitunhu yavanofamba havaione. Rwendo rwurefu rwunoreruka kana pane chinhu chaunoda ikoko.

Zvinodarowo nemumisha matinobva, mumatunhu, kana mumakambani chaiwo, kana mapazi ehurumende. Tinoona varume nevakadzi vakuru vachisiya misha yavo, mhuri dzavo svondo roga-roga vachienda kumaworkshop avanoudza hutekwatekwa kuti achabatsira ichi nechocho mukufambiswa kwebasa. Tichionazve vanoenda kumaworkshop iwayo vari vamwe chetevo svondo roga-roga sezvinonzi vanhu vamwe chetevo ndivo vanobata basa rekambani yose nekukura kwayo, uye sekunge ndivo vane unyanzvi hwose mukambani.

Chinozoshamisa ndechekuti hapana chinonyatsobuda chinoonekwa pamasimudzirwo ebasa. Chinotoonekwa kufa kwebasa svondo nesvondo vanhu vari kumaworkshop.

Dare rino rakazogara pasi rikaona kuti kunoendwa kuNyanga, Kariba, Victoria Falls kana kunze kwenyika hakusi kufambirwa maworkshop nemwoyo wose aiwa. Chiri kufambirwako imari iya inowanikwa kana munhu wafamba. Mari yacho inodarika yemuhoro wepamwedzi asi munhu aenda kwemazuva maviri kana matatu chete.

Dare rakaona zvakare kuti vanhu kusatya kuenda kureko vachisiya mhuri dzavo, kune tsubvu mberiko

CHENJEDZO:
Dare rino rambotaura kuti tsubvu dzinosvibisa mazino anova ndiwo anopa chimiro chakanaka pamunhu. Naizvozvo rinoda kutora mukana uno kuyambira vanasamusha, masabhuku kwatinogara nekwatinoshandira kuti tsubvu dzikawandisa dzisina chimuko chadzinopa kukambani, dzinosvibisa mazino. Mazino edu angadai ari mazita edu chaiwo, kana mabasa edu chaiwo anozosvibiswa netsubvu idzi.

Nekudaro ngatingwarire kuziva tsubvu dzinosvibisa mazino edu isu vana samusha, isu masabhuku vanamuzvinakambani vose.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 E-mail: wedzerainh@yahoo.com <mailto:wedzerainh@yahoo.com>