Kwayedza

kurodza pfungwa

Munyaradzi  Gunduza

MUSEVE USINGAPOTSE

Zvekuita:

1. Tsanangura hondo shanu dzinorwiwa muna Museve Usingapotse nezvikonzero zvadzo. 2. Ndezvipi zvinhu zvisere zviri muna Museve Usingapotse zvinoratidza kuti pasichigare makomo aikosha zvikuru? [25][25]

3. Buritsa zvinhu zvisere zvinopa Karinge kunyumwa kuti kumusha kwainge kusina kumira zvakanaka panguva yaaive musango achivhima. Tsigira nerungano rwuri muna Museve Usingapotse. [25]

4. Tsanangura zvinhu zvisere zvinoitwa naKaringe muna Museve Usingapotse zvinoratidza kuti aive neushingi hwakakomba. [25]

5. “Chivi chinodya mwene wacho.” Chirevo ichi chinozadziswa sei nezvinoitwa nevatambi vasere vari muna Museve Usingapotse? [25]

6. Ndezvipi zvidzidzo zvisere zvawakawana kubva muna Museve Usingapotse? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvinoburitsa chidzidzo chimwe nechimwe chawakawana. [25]

Svondo rinouya tinotanga kuita ongororo yebhuku rinonzi Kereke Inofa.

◆ Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

NDINOFA NDAYEDZA

7. Ndezvipi zvidzidzo zvishanu zvawakawana muna Ndinofa Ndaedza? Tsigira mhinduro nezviitiko zvinojekesa chidzidzo chimwe nechimwe chawakawana. [25]

Unofanira kutanga nekuburitsa pfungwa ine chidzidzo sekuti, “Ndakadzidza kuti zano ndega akapisa jira.” Zvino mutsigiro yako ndimo maunozotiratidza kuti chidzidzo ichi wakachiwana kunani, chinobuda sei, papi?

Zvimwe zvamunogona kudzidza ndeizvi; mwana washe muranda kumwe, kushingirira kwakanaka, utsinye hunoparadzisa vanhu, udyire hwakaipa, kuvimbika chinhu chakanaka, mushandirapamwe wakanaka nekuti unounza budiriro, sango rinopa aneta, ndakadzidza kuti pasichigare kwaipfekwa zvipfeko zvaigadzirwa nematehwe emhuka, kare chikafu chaichengetedzwa nemashizha emiti minyoro kuti chisaore.

Zivai kuti kune mhando dzakasiyana dzinouya dzichida zvidzidzo sekuti zvidzidzo zvemhangwa zvawakadzidza mubhuku. Idzi irayiro dzaunobata mushure mekuverenga rungano chete. Imwe mhando ndeyezvidzidzo zveupenyu hwechinyakare zvinove zvinongobata mararamiro aiita vanhu kare. Kune mhando yezvidzidzo zvinowanikwa murungano sezviri pamubvunzo uno; izvi zvinobata zvidzidzo zvese zvemhangwa nezveupenyu hwechinyakare.

8. Tsanangura zviri mubhuku Ndinofa Ndaedza zvinoratidza kuti rungano urwu nderwechinyakare. [25]

Vanyori munofanira kudoma zvinhu zvisere zvinoratidza kuti rungano urwu nderwepasichigare. Chekutanga kudoma pfungwa inojekesa upenyu hwekare mozoipa tsigiro inobva murungano. Zvimwe zvinojekesa upenyu hwekare: kufamba nzendo refu netsoka, kupfeka zvipfeko zvakagadzirwa nematehwe emhuka (mhapa neshashiko), varwere vairapwa nemishonga yen’anga, ishe vakafa mhere yaizoridzwa chivanhu chagadziriswa, kupepa anenge arwarisa kumusasa, kwaive netsika yekupambana pfuma, vanhu vaitapana, kutongwa nemadzimambo, zvombo zvenguva iyi — miseve, uta.

9. Tsanangura zvinhu zvisere zvinoitika murungano Ndinofa Ndaedza zvinojekesa kunaka kweushamwari. [25]

Vanyori munofanira kuburitsa zviitiko zvisere (8) zvinoratidza kukosha kweushamwari. Tangai nekudoma chakanakira ushamwari mozopa tsigiro. Zvimwe zvacho ndeizvi: kupanana chikafu — Tafirei anopa Revai mutakura wekuti adye parwendo rwake; kurevererana — Tafirei anonetsana naChamuka ainyomba Revai shamwari yake; kubatsirana basa — Chandafira anobatsira Revai kutimba doro; kubatsirana kutiza muusungwa — Chigange naPondai vanosunungura Revai muusungwa hwaDendera; kumiririrana pakudzoserwa upfumi — Chigange anotyisidzira Ishe Chokupamba kuti vavape upfumi hwababa vaRevai; kudzivirirana kubva kumuvengi — Pondai anobata Takunda kuti asasvika kuna Revai; kuenda kunoona murwere — Pondai anoenda kunoona Revai airwadziwa nemusoro; kubvuma kutungamira mauto — Chigange naPondai vanotungamira mauto enyuchi kuti vanopihwa upfumi hwababa vaRevai; kubatsirana kupemberera kudzoka kwemuzukuru pamusha — VaMandinyanya vanobatsira Ishe Machingauta kufarira Revai aive adzoka pamusha; kubatsirana kurwa — Chigange anobatsira Pondai kurovana nevakomana vana; kugara zvakasununguka — Pondai naChigange vanogara zvakasununguka kwaShe Machingauta.

Mhinduro dzemibvunzo iyi dzizere dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

 

Email: munyagunduza@gmail.comNhare: 0772 610 360