Kwayedza

Kutama yoronga zveyunivhesiti

Muchaneta Chimuka
KUTAMA Mission iri kuramba ichisimukira uye pari zvino pachikoro ichi pane hurongwa hwekuti pavakwe yunivhesiti.Murongi vari zvekare mukushi wemashoko pachikoro ichi, Brother Aaron Mazhambe, vanoti vari kutarisira kuti hurongwa hwekuvakwa kweyunivhesiti iyi hunotanga gore rino risati rapera.

“Tine hurongwa hwekuvandudza dzidzo kubudirikidza nekuvaka yunivhesiti kutanga gore rino. Izvi zvichabatsira mukusimudzira dzidzo nekubura zvekare vanhu vachange vachishandisa hunyanzvi uhwu mumakambani makuru munyika,” vakadaro.